Svikiro rakadyiwa nezvikara zvesango

21 Jun, 2014 - 19:06 0 Views
Svikiro rakadyiwa nezvikara zvesango ISHE Chundu, VaAbel Mbasera

Kwayedza

ISHE Chundu, VaAbel Mbasera

ISHE Chundu, VaAbel Mbasera

CHITUNHA cherimwe svikiro kwaChundu, kuMashonaland West, chiri kunzi “chakamera makumbo” nguva pfupi yadarika apo chakadyiwa nezvikara zvesango kuChiwore Game Park, uko chainge chakasasikwa padara remiti setsika inotwa kusvikiro kana richinge rafa.

Ishe Chundu, VaAbel Mbasera, vanoti vari kushushikana zvikuru nekuda kwenyaya iyi.
Vanoti mutumbi wesvikiro iri wakange wabviwa nawo kuGuruve, kuMashonaland Central, ndokunoiswa padara remiti kumasango ekuChiwore Game Park uko wakazodyiwa nemhuka dzesango.

“Tine mutumbi wesvikiro wakabviwa nawo kuMasoka, kwaShe Chisunga ukauya kuzoiswa munzvimbo yangu. Mutumbi uyu wakaiswa padara musango kunzvimbo yaimboteurirwa nevanhu vedzinza remufi uyu kusvikira wakazodyiwa nemhuka,” vakadaro Ishe Chundu.

Vanoti chivanhu hachirambidzwe kutevedzwa asi kuti vanhu ava vaifanirwa kutanga vavazivisa ivo kuti vaidawo kuita tsika dzavo mudunhu ravasisiri kugara.

Ishe Chungu vakati: “Tsika iyi inoitwa nevanhu vakasiyana vemuno, kuti munhu anenge achisvikirwa nemudzimu mukuru akafa mutumbi wake unoendeswa kunzvimbo yavaiteurira, wonovakirwa dara remiti apo unoiswa patanga pacherwa gomba pasi pedara iri.

“Honye dzinobuda pamutumbi uyu nemvura zvinenge zvichidonhera mugomba iro rinozofushirwa kana mutumbi uyu waoma, wozotorwa kunovigwa mumapako.”

Vanoti mutumbi uyu ndewe rimwe svikiro rainzi Dzomba, uyo unonzi waifanirwa kuzobviswa mushure memwedzi mitatu wakasasikwa.

“Sezvo aya ari masango ane mhuka, zvikara zvesango zvakazosvika padara iri ndokudya mutumbi uya zvichikwachura nyama nemapfupa, kuita hukata-kata musango umu.

“Angosara ava mapfupa chete izvo zvisingafanirwe kuitwa pakutevedzwa kwechivanhu. Ndine vanhu vangu vakanosvikako vakaona mashura aya,” vakadaro Ishe Chundu.

Vanoti zvinhu zvakadai izvi zvinovakanganisira nzvimbo yavo zvoguma zvave kutadzisa mvura kunaya zvakanaka kana kukwezva mamwe matambudziko.

“Kusvika nanhasi uno vanhu vakaita chivanhu ichi munzvimbo yangu havana kumbouya kwandiri kuzotaura.
“Vebazi reParks and Wildlife Management Authority, vachibatsirana nemakurukota angu, ndivo vakatozoona mapfupa esvikiro iri.

“Pachivanhu hazvifanirwe kudaro, zvinoreva kuti vanhu ava pane zvavakakanganisa kuti mutumbi uyu uzodyiwa nemhuka,” vakadaro ishe ava.

Vanhu vanonzi vakanoisa mutumbi wesvikiro uyu zvinonzi vakatozoonekwa nevagari venzvombo iyi vave kubva.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vakati nyaya iyi yakasvitswa kwavari uye vachiri pakati pekuiferefeta.

Ishe Chisunga vane dunhu rinonzi ndiro rakabva mutumbi wesvikiro iri kuGuruve havana kukwaniswa kutaurwa navo.

Asi mutauriri weParks and Wildlife Management Authority, Muzvare Caroline Washaya-Moyo, anoti vachiri kuongorora nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey