Uncategorized

SVIKIRO RINONWA ROPA

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
SVIKIRO RINONWA ROPA

Kwayedza

  • Dzimwe n’anga dzakasara dzichinanzvira

  • ‘Ndizvo zvinoitwa nemudzimu wechokwadi’

VANHU vainge vakaungana pabira kwaChundu, kuHurungwe, nemusi weMugovera wadarika vakashamiswa zvikuru apo n’anga ine mukurumbira, Sekuru Friday Chisanyu, yakasvikirwa ndokunwa ropa rembudzi risina kubikwa zvekusvika pakukokota ndiro huru yemuti yarainge rizere.

Dzimwewo n’anga dzaivepo dzakambozama kubvutidzana ropa iri dzichidawo kunwa asi dzakazongonanzva ndiro isisina chinhu.

Sekuru Chisanyu ndivo mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association, uye bira iri rakaitwa pamusha pavo mubhuku raMocho.

Bira iri raiva rekutenda mudzimu unosvika pana Sekuru Chisanyu nebasa guru rauri kuita rekuvasimudzira.

Mutambo wechivanhu uyu wakatanga manheru emusi weMugovera uye doro racho rakabikwa nechembere dzisisatevere. Nyama yemombe neyembudzi yakange iri saruraude pabira iri asi vanhu vakapera mate mukanwa apo Sekuru Chisanyu vakanwa ndiro izere ropa mbishi rembudzi ndokupedza.

Husiki hwose, ngoma nembira zvakarara zvichidandaura vaivepo vachiimba nziyo dzechivanhu.

Pave pakati pehusiku, vanhu vaivepo vakavhundutswa pavakanzwa kudzvova kunenge kweshumba apo Sekuru Chisanyu vakange vasvikirwa nemudzimai wasekuru vavo, Chisanyu.

Harahwa nechembere dzakabva dzapinda mudariro kumusasa mukuru waive wakavakwa nechekunze kwemusha uyu kuti dzitambire mudzimu uyu semaitiro echivanhu.

Nguva dzava kuma3 dzemambakwedza, svikiro iri rakakwanisa kupa tsanangudzo dzematambudziko akasiyana kuvanhu vaivepo avo vaidarika makumi mashanu.

Sekuru Chisanyu vakazopinda mudariro vachitamba nechembere neharahwa pamwe chete nedzimwe mhondoro dzemudunhu iri kusvikira kunze kwave kunoyedza.

Panguva iyi, kwakazouraiwa mbudzi hono – gotora – iyo yakavhiiwa ropa racho ndokuchingidzirwa richiiswa mundiro kana kuti mbiya huru yemuti.

Mbiya izere ropa iyi yakazotambidzwa kuna Sekuru Chisanyu avo vakanwa ropa racho rose kusvika pakukokota ndiro rapera.

Imwe chembere inosvikirwa nemhondoro kana kuti mudzimu mukuru munzvimbo iyi yakaedza kubvutira Sekuru Chisanyu ndiro iyi sezvo yaidawo kunwa asi yakazongonanzvira twushoma twainge twasarira. Chiso chaSekuru Chisanyu chainge chotyisa kutarisa sesvo chainge chatsvuka neropa ravainge vanwa, kusanganisira mhuno.

Gurumwandira revanhu vakaona chiitiko ichi rakashamiswa nazvo apo vamwe vakarutsa, vamwewo vachiti ndizvo zvinoitwa nemudzimu wechokwadi.

Mushure mechiitiko ichi, vaturikiri vemasvikoro aive pabira iri vakatanga kukanda mari yemhando yesirivha mudenga, vanhu vakamhayidzana kuinonga.

“Sirivha iri rinenge rarara riri mundiro husiku kwebira saka pane chitendero chekuti kana vanhu vanenge vaita mukana wekurinhonga vanozoita raki rekuitawo mari yakawanda.

“Vanhu vanotora mari iyi vonosanganisa neimwe mari yavo asi iyo haifanirwe kushandiswa, inongogara iri muchikwama,” vakadaro Mbuya Martha Reid, avo vanovawo svikiro.

Sekuru Planeka Nyuvira (73), avo vanove godobori rekuHurungwe vari zvakare nhengo yeZNPA, vanoti munhu anonwa ropa kana achinge asvikirwa chiratidzo chekuti imhondoro yechokwadi.

“Ropa handi nyore kuti munhu angonwa asi pano maona kuti zvaiitika. Handi munhu chaiye anenge achinwa ropa iri, asi kuti mhondoro inobuda paari.

“Pana Sekuru Chisanyu panobuda mhondoro (svikiro) inoshura mare mukuvhima. Kare vaitoti mushure mekupedza kunwa ropa votopinda musango kunovhima uye pasina nguva vaiuya nemhembwe, kana mbiri chaidzo, totogocha,” vakadaro Sekuru Nyuvira.

Vanoti kana ari munhuwo zvake anenge achida kunyepera kusvikirwa, akanwa ropa iri anorutsa zvekutosvika pakufenda kana kufa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey