Uncategorized

Svondo mai vemba vakavharirwa pa‘next-door’

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Svondo mai vemba vakavharirwa pa‘next-door’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaNyamweda, kuMhondoro, “akawachiswa” nemudzimai wake wechidiki, uyo waakanozivisa kumapurisa “semunhu ari kushaikwa” – izvo ainge akavharirana nechikomba chake muvakidzani – “panext door”, kwemazuva matanhatu. Kwenguva yose iyi, Tafadzwa Mugari (18), aishandisa imba yechikomba yavainge vakavharirana sechimbuzi iri nzira yekunzvenga kuonekwa nemurume wake nedzimwe hama.

Tafadzwa, wemubhuku raShekede, svondo rapera akatizira kuchikomba chake chinogara mumusha mumwe chete uyu, uko akanoita zvizvuva vachitetena nyika rutivi apo murume wake nedzimwe hama vaimutsvaga nemumapurisa kwose semunhu “asiri kuonekwa” (missing person).
Tafadzwa akabvuma kuKwayedza kuti akaita mazuva matanhatu achigara mumba yechikomba chavakavakidzana nacho.

Paakataura nevatori venhau, aive murwendo nemurume wake, Trymore Matanhire (26), vachiendwa kumapurisa ekuMarirangwe kunozivisa nezvekuwanikwa kwake semunhu “ainge ambotsakatika”.

Tafadzwa akarondedzera nyaya yake pasina kunyara kuti akadanana naTawanda Brian Singereti (26) apo akazotizira kumba kwake ndokunohwandako kwesvondo rose.

“Ichokwadi, ndakatiza murume wangu apo ainge aenda kumaricho kunotyora maguni efodya. Ndakaenda kumba kwaSingereti ndokunovharirwa mumba uko ndaiitira tsvina muchemba ndichidyira imomo.

“Taiva nepfungwa dzekuzotiza nechikomba changu kuenda kure,” akadaro Tafadzwa murume wake aripo.
Mudzimai uyu anoti nyaya yekuti azodanana naSingereti yakatanga rimwe zuva apo vaienda kunochera mvura kutsime nehanzvadzi yaSingereti, iyo yakamupfimbira chikomba ichi iye ndokuda.

“Hanzvadzi yaSingereti yataura neni, ndakabvuma ndokumbotanga tichionana zvekubiridzira. Ndakazotiza pamba murume wangu asipo ndokunohwanda mumba maSingereti.”

Tafadzwa anoti hapana chinhu chikuru chaaipihwa nechikomba chake uye vava nemwedzi vachidanana. “Handizive kuti chii chakandipinda kuti ndinyengerwe mumwe murume ini ndinaye wangu mumba. Handina chandinoshora pamurume wangu, ndinomuda uye handichazviita zvakare. Nhumbu yandiinayo handizive kuti muridzi wayo ndiTrymore murume wangu here kana kuti ndeya Singereti nekuti . . ., zvakaoma,” akadaro.

Pakashaikwa Tafadzwa, murume wake pamwe chete nehama dzake vakamhanya-mhanya vachimutsvaga ndokumushaya, izvo zvakaita kuti vazoguma vakwidza nyaya iyi kumapurisa.

“Pandaitsvagwa nemurume wangu nehama dzake, vanhu ava ndaitovaona nepahwindo ndiri mumba maSingereti ndakavharirwa,” akadaro Tafadzwa.

Achibvunzwa kuti paaidanana nechikomba ichi iye aine murume aifunga kuti zvaizopera sei, Tafadzwa akati zvose izvozvo haana kumbozvifunga.

Tafadzwa anonzi akazoonekwa natete vake, hanzvadzi yemurume wake, Shupikai Matanhire (32), ari kumba kwechikomba.
“Mushure mekumutsvaga kwose tichifunga kuti mudzimai wehanzvadzi yangu aiva apondwa here, takaenda nekumasabhuku tichitaura nezvekushaikwa kwake. Ini ndakazonzwa nerunyerekupe kuti aiva kuchikomba ndokunomuwana mumba maaiva akavharirwa, maitonhuhwa netsvina,” akadaro Shupikai.

Shupikai anoti muroora wake anomuda uye semhuri, vanongoda kuti adzoke kumba votaurirane kana paine zvaikanganiswa zvigogadziriswe.
“Muroora wedu tinomuda. Izvozvi tamutora kumba kwechikomba nechisimba tichibatsirwa nemupurisa watiinaye. Chikomba ichi chiri kutaura kuti mukadzi ndewake, ari kuti titange tapihwa tsamba nemapurisa kana tichida kutora mukadzi wedu saka tauya kuno kukamba,” akadaro Shupikai.

Matanhire anoti akarwadziwa zvikuru nemaitiro emudzimai wake.
“Handizive kuti mudzimai wangu ndakamutadzire chii, ndinomupa zvose kunyange zvayo mari iri shoma. Handishande asi ndinoedza nepose kuti ndimufadze.

“Ndakamuroora muna April gore rino, manje-manje apo ndakabvisa U$35 yetsvakiraikuno kuna ambuya vake kuNorton,” anodaro Matanhire.
Ambuya vanonzi vakatambira mari iyi kubva kuna Matanhire vanonzi Mai Lisbert Mugari.

Zvisinei nezvakaitika izvi, Matanhire anoti mudzimai wake anomuda zvakadaro.
Mumwe mupurisa ari kubatsira mhuri iyi pabongozozo iri (zita tinaro) anoti nyaya iyi inonetsa pakuti mukadzi uyu ari kudiwa zvose nemurume wake pamwe nechikomba.

Singereti, uyo anoita basa rekukanya zvidhinha achitengesa kuMarirangwe, haana kukwanisa kuonekwa.
Asi Matanhire anoti zvisinei nekuti mudzimai wake anomuda, anoda kuripwa naSingereti nekushora kwaakamuita. Anoti achasvitsa nyaya yake kwaShe Nyamweda kuburikidza nasabhuku wavo.

Tafadzwa, uyo akakurira kumusha kwevabereki vake kuBocha, kwaMarange, anoti inherera zvichitevera kufa kwevabereki vake.
Mbuya vake, Mai Mugari vekuNorton, vakataurwa navo neKwayedza vakabvuma kuti nyaya yekubatwa kwemuzukuru wavo nechikomba vakainzwa.

“Nyaya iyi ndakainzwa, vakanditaurira. Asi zvinotsverudza ndaitiwo akanga azviwanira imba ndisingazive kuti zvichasvika apa,” vakadaro.
“Huroyi kana chipfambi hachirambirwe hama. Ngavadzose zvavo mwana wangu nekuti ini handingaende kwavari. Ivo ndivo vakatorana kuHarare kwaishanda mwana uyu ndokuti vamuda, zvazouyawo izvi zvimwe,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links