Sygenta yosimudzira varimi

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeSygenta Agroservices (AGP) yotsigira varimi kuti vasimukire mukurima kwavo, zvikuru sei kuti vange vachibura goho guru kubva pamunda mudiki pamwe nekurichengetedza.

VaTawanda Nixon Mangisi vanove sales support manager kukambani iyi vanoti vanobatsira varimi kuti vachengetedza goho kuburikidza nenzira dzakasiyana.

“Nzira dzekuchengetedza goho dzinosanganisira kurwiswa kwechipfukuto chemhando yeLarger Grain Borer (LGB) muzvidanho zvese kureva kubvira mumbeu, kuminda uye mushure mekukohwa. Tinoona kuti zvipfukuto zvapedzwa zvachose zvekuti goho rinogara kwegore rose risina kuparadzwa nezvipfukuto,” vanodaro.

Vanoti varimi vanokwanisa kutanga kudya zvirimwa zvavo mushure memazuva manonwe ekuzviisa mishonga yakasiyana yekuchengetedza goho.

“Tine zvirongwa zvekufundisa varimi nzira dzekuchengetedza goho uye mishonga yedu ichiwanikwa nemitengo yakaderera sokuti 250ml yemushonga wezvipfukuto inowanikwa ne$2,50. Izvi zvinoita kuti murimi wese arerukirwe kunyangwe vekumaruwa. Mushonga uyu nehushoma hwawo hunoiswa muchibage chine huremu hwe400 kgs,” vanodaro.

Vanoti kambani yavo iri kuramba ichisimudzira varimi kuti vafambirane nenguva, zvikuru munhau yekusanduka kwemamiriro ekunze nekurima nenzira dzisingakanganisi nharaunda.

“Tiri kushanda nevarimi vadiki vari mumatunhu akasiyana tichivawanisa ruzivo rwekurima uye tiri kuona shanduko mavari nekuti varimi ivavo ndivo vanozoenda kunofundisa vamwe. Vamwe vevarimi vakuru ava takatovawanisa mibairo yekugona kurima mbeu dzedu. Zvakare mbeu dzedu hadzikurumidzi kubatwa nezvipfukuto zvichitevera kuuchikwa kwadzakaitwa nehunyanzvi hwepamusoro,” vanodaro.

Vanoti muzinda mukuru wekambani yavo uri kuBasel, kuSwitzerland uye muno munyika vane mumwe uri kuSam Levy Village muHarare.

“Tinoona kuti zvipfukuto zvapedzwa zvachose zvekuti goho rinogara kwegore rose risina kuparadzwa nezvipfukuto Kuburikidza nemushonga weSyngenta unonzi ACTELLIC GOLD DUST, vanodaro VaMangisi.

Kunze kwazvo, vanoti vane mbeu dzemuriwo dzakasiyana pamwe nedzechibage dzinodaidzwa kunzi MRI.

“Parizvino tine mhando dzembeu yechibage mbiri dzinoti MRI 514 neMRI624 idzo dziri kudonhedza musika uye dzinoenderana nemamiriro ekunze emunyika muno. Varimi vakazvionera vega mamhuno sefodya zvichitevera goho ravakabura,” vanodaro.

VaMangisi vanoti vanotengesa zvigadzirwa zvavo kuburikidza nemakambani anoti Zimbabwe Fertilizer Company, Intaba Trading Pvt Ltd neMaguire’s Pvt Ltd.

“Vatengesi vezvigadzirwa zvedu vanoshandisa nzira dzakasiyana dzinoita kuti vange vachisvika kuvarimi nenguva. “Sekambani yeSyngenta tinofara zvikuru kuti tinge tiri pamberi penyika dzese mukusimudzira nyaya dzekurima. Parizvino tiri kukotsvera chirongwa chepasi rose chinodaidzwa kunzi The Good Growth Plan icho chine zvitsidzo zvitanhatu zvinoendeka uye tinoramba tichipangana mazano nezviuru zvevanhu muAfrica neMiddle East senzira yekusimudzira nyaya dzekurima,” vanodaro.

Kambani yavo, vanodaro VaMangisi, icharamba iri pamberi mukuita tsvakurudzo dzinoshandisa ruzivo rwechizvino-zvino nedonzvo rekusimudzira varimi.

Share This:

Sponsored Links