Tabhu tundu nenhamo

03 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

MAMWE madhiri anenge shiri. Paye paunenge uchifunga kuti waribata zvekuti wabuda nenyika, dhiri racho rinobva rabhururuka. Asi uchenjere kuti parinobhururuka rinogona kusiya rakuitira matoto anoyerera sedzihwa, uye agosiya hupenyu hwako huchinhuhwa. Mwari havapenge vakati munhu ngaashande. Mari inouya nerima yakafanana nenhunzi inotevera chitunha muguva.

Dai taiziva, taidzidza kubva kuvanhu vanobuda pachena ava vachiti hatichadi mari yezvikwambo nerima. Chamusingazive ndechekuti haisi mari nekuti haibve kubhengi kana kubasa.

Mari yerima inotambudza sebepa remaputi rakadyiwa neimwewo chapa ikarirasa nepahwindo rebhazi. Rinenge rangove bepa rakanyorwa kuti maputi, 30 grams, asi rinenge risisina maputi kana huremu.

Mari yerima inokukama rugare rwese ukasara mazamu ati kwasvata semasaga asina chinhu. Paye paunenge woti ndakamwa handisisina mukaka, ndipo paunosisidzwa ukakamwa kusvikira wave kubuda madonhwe eropa.

Vanokuona vanoti uri mupenyu, vamwe vachiti ndimi vacho makarova nhamo netsvimbo. Asika, chokwadi chaicho ndechekuti hukama nerima hunosvisvina mese munonaka, ukasara wosemwa nenhunzi nehonye. Unofanana nehuku iri mufiriji yemusupamaketi yamuka yakaoma kudarika dombo isisina musoro, isisina makushe nemakumbo.

Madhiri naSatani anofaya kana achiri kukushevedzera kuti ukwire mukombi yake yaari kuti, “Hwani asara!” Asi uchaona kuti kana wapinda, hausi hwani asara uye haakubvumire kuburuka.

Ndine hurombo zvikuru nekutambudzika kwave kuita amai vane tabhu yati tundu nenhamo. Chakaita kuti amai vemari inozara tabhu vapfume sezvavaita nhasi kuteerera. Vakateerera shamwari yavo yakavaudza kwekuenda kunotora mishonga nemhiko dzerima.

Vakateerera zvavakaudzwa nen’anga. Dai takateerera saizvozvo pataive kuchikoro tingadai tiri pamabasa asingade hukama nerima. Zvino kuteerera kwakaita amai ava kune rufu nekuti kwakafanana nekuteerera nyoka kwakaitwa naEvha.

Unogona kuteerera munhu ari kukuudza kuti uchere guva rako, kana wapedza ugozvibata mawoko nekuzviviga. Kana wadaro wotanga kuora nekunhuhwa.

Munhu gara waziva kuti vanhu vanotaura muhupenyu hwako havapere. Uye vazhinji vacho vanenge vachikuudza kuti vanoziva zvakakunakira muhupenyu hwako. Vanhu vanokuudza zvekuita vanosanganisira vemumhuri, vavakidzani, hama, shamwari, Facebook, WhatsApp, Twitter, mapepanhau, nhepfenyuro, mabhuku, chechi, maGafa, anahwindi nemweya yetsvina. Zvinotaurwa zvinoita kuti usarudze zvauchaita nekuda kwezvawanzwa.

Unogona kusarudza kusaita chinhu nezvawaudzwa, kana kuita zvimwe zvacho, asi zvimwe wosiya. Asi zvakakosha kuti uzive kuti kusarudza kuita, kana kusarudza kusaita, zvese zvaunosarudza zvine zvazvinokonzera.

Mwari havana kusika munhu kuti aite airport inomharwa nemweya yetsvina. Kuromba kana kuti kutsvaga mishonga yekupfuma, yekudiwa kana kuwana zvimwe zvinhu zvinodiwa nemwoyo wako kwakafanana nekuita muchato. Kubvuma kupinda mumuchato nerima hakuperere pamuchato chete, asi kune vana vanoberekwa, kune mibairo inowanikwa.

Hakuna munhu anoti handidye nguruve, asi muto wenguruve ndinodya. Kana ukasvipira mate mudenga wakatarisa mudenga, mate iwayo anodzoka achiwira kumeso kwako. Ichokwadi, ane manyoka ndiye anorwa nemusiwo kuti amhanye kunozvibatsira.

Hupenyu hwako hwakafanana nerwendo. Rwendo rwune parwunotangira, rwunotevedza nzira, uye rwunosvika parwunoperera. Magumo ako akakosha kudarika mavambo. Kana uchida kusvika kumagumo akanaka, chirega kuteerera vanhu uteerere Jesu musiki wako. Jesu haakupe mari ine tsvina.

Kana ukanzwisisa nekushandisa kudzidzisa kweBhaibheri muhupenyu hwako, hupenyu hwako haubude mumuforo. Hupenyu hwako hunoumbwa nezvaunoteerera, uye nesarudzo dzaunoita.

Musateerere n’anga nemaporofita, teererai Jesu murarame.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey