Tadzoka: CAPSl Taneta nekuomberera zvimwe zvikwata: Jere

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views
Tadzoka: CAPSl Taneta nekuomberera  zvimwe zvikwata: Jere

Kwayedza

MUKURU weCAPS United, Farai Jere, anoti yasvika zvino nguva yekuti “The Green Machine” kana kuti ‘’Kepe-kepe’’ ichidzokera pachigaro chayo chekuva chikwata chikuru munhabvu yemuno sezvayaimbove kare apo yaizivikanwa nekuti maCup Kings.

Mumakore adarika, matambiro eCAPS ange achidzikira nekuda kwezvikonzera zvakasiyana izvo zvanga zvichiitadzisa kusimudza mikombe uyewo yange ichingodzinga varairidzi vayo asi pasina chinobuda.

Gore rino, Mark Harrison ndiye akatanga achirairidza CAPS ndokuzosiya basa mushure menguva pfupi otsiviwa naMark Mathe uyo aive mutevedzeri wake.

Mathe haana kumbopedza nguva refu ari pachigaro chinopisa ichi sezvo akabviswawo, Lloyd Chitembwe ndokudzoka.

Jere akambenge abva kuCAPS makore adarika mushure mekunge paitika kakusawirirana naTwine Phiri uye kudzoka kwake kwakaonawo Chitembwe achidzoka zvakare kuchikwata ichi.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Jere anoti vari kushanda zvakasimba kuti vasimudze chikwata ichi kuti chidzokere panzvimbo yacho chaiyo.

Green Machine yakapedzisira kutora mukombe wePremier Soccer Leagure mugore ra2005 apo yairairidzwa naCharles Muhlauri uye makore akatevera acho zvakairemera.

Jere anoti vari kupa vanhu mabasa vakakodzera kuti vashande zvakasimba mukuvandudza Kepe-kepe.

Anoti vari kuvaka chikwata chakasimba icho chichange chave kukwanisa kurwira mikombe yakasiyana mwaka inotevera.

“Tange tasarira kumashure zvakanyanya munyaya dzenhabvu, asi tave kudzoka uye tiri kudzokera patinoda chaipo.

“Taneta kugaroomberera zvimwe zvikwata mawoko zvichihwina. Isu mbiri yedu taizivikanwa semaCup Kings saka ndiko kwatiri kudzokera.

“Tiri kugadza vanhu chaivo mabasa ekuti vashande timutse chikwata chedu,” anodaro Jere.

Panyaya yekushandura varairidzi gore negore, Jere anoti hazvibatsire kuti murairidzi arambe aripo iye asiri kuhwinisa chikwata, saka vanotsvaga uyo wavanoona kuti anokwanisa basa racho.

“Hazvibatsire kuti murairidzi agare panyanga isu tisiri kuhwina. Munhabvu tinotarisa kuti uri kuhwina here, kana usingahwine hapana chekumirira.

“Takagadza Lloyd Chitembwe panyanga nekuti tinoziva kuti anogona uye ari kuzviratidza kuti tinosvika kwatiri kuda kuenda.”

Kunyangwe zvazvo achiti vari kushanda zvakasimba kumutsa Kepe-kepe kuti igove shasha zvakare, Jere anobvuma kuti nhabvu yemuno yashanduka uye zvikwata zvose zvave kutamba nhabvu inodakadza izvo zvinoita kuti chimwe chinogona kungokundwa chisingazvitarisire.

“Nhabvu yedu yakura zvikuru uye yave kunakidza.

“Zvikwata zvepamusoro zvinotofanirwa kukunya zvakasimba kana zvichida kuhwina, semuenzaniso unoona FC Platinum ichisungirwa zvinhu neTsholotho,” anodaro Jere.

Svondo radarika Chitembwe akati chikwata chake chikuru zvekuti chinofanirwa kurwira kuve pamusoro-soro.

Lodza, sezita raChitembwe remadunhurirwa, akati: “SeCAPS United tiri chikwata chihombe zvekuti tinofanirwa kurwira kuve shasha dzemuno chete kwete zvimwe. “Hatimbofe takarwira kupinda muTop 4 asi kuve shasha chete. Gore rino takundikana asi tave kutarisira mwaka unotevera.”

CAPS iri pachidanho chechishanu nemapoinzi 37 pazvikwata zviri kukwikwidza mukombe mukuru weCasle Lager Premier Soccer League mushure mekunge yatamba mitambo 24.

Share This:

Sponsored Links