Takanyadzisa: Zvirekwi . . . ‘Taidawo kudzoka nemukombe’

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views
Takanyadzisa: Zvirekwi . . . ‘Taidawo  kudzoka  nemukombe’ HARDLIFE Zvirekwi

Kwayedza

HARDLIFE Zvirekwi, uyo aitungamirira chikwata chemaWarriors kumakwikwi eAfrican Nations Championship (CHAN) ayo ari kuitirwa kunyika yeRwanda, anoti vakanyadzisa zvikuru pamwe nekurwadzisa vatsigiri venhabvu zvichitevera kuburitswa kwavakaitwa kumakwishu aya mushure mekunge vatamba mitambo miviri bedzi.

MaWarriors akaburitswa mumakwikwi aya mushure mekunge vakundwa neZambia neMali 1-0 mumitambo yose iri miviri yekutanga ndokuzoita mangange 1-1 neUganda mumutambo wekupedzisira uyo wainge wangova wematandanyadzi.

Nyika yose yakange yakatarisira zvikuru kubva kumaWarriors asi chikwata chaCallisto Pasuwa chakangodzoka ari mawoko chete, miswe iri muhamba.

Muhurukuro naZvirekwi, anoti haana neremuromo kuti zvakafamba sei.

Nairobi, sekuzivikanwa kunoitwa Zvirekwi munhabvu, anoti haana kugadzikana mupfungwa uye ari kungozvidya mumoyo kuti vakakundikana sei kunohwina mukombe sezvaitarisirwa nevatsigiri vemaWarriors.

“Hazvina kumbomira zvakanaka izvozvi, ndiri kutomboterera mangoma (mhanzi yereggae) kuti ndimbobvisa stress, zviri kurwadza.

“Madyirwo atakaitwa acho anonyadzisa. Takarwadzisa nyika yose yaititsigira zvakanyanya.

“Asi takadzidza hedu zvakawanda kuitira mune ramangwana tigogadzirisa mune mimwe mitambo,” anodaro Zvirekwi.

Kunyangwe hake ari kugunun’una panguva ino nekuburitswa kwakaitwa maWarriors kumakwikwi eCHAN, Zvirekwi anoti anonzwa kufara kuti akapihwa chiremerera chekutungamira chikwata apo vaive kuRwanda.

“Chiremerera chikuru chandakapihwa kutungamira vamwe vatambi vechikwata chedu kumutambo uyu. Vashoma vanouwana mukana wakadai. Asi hazvina hazvo kuzofamba sezvandaitarisira, hatina kukwanisa kuhwina.” Zvirekwi anoti ave kumbozorora akamirira kudzokera kuchikwata chake cheCAPS United vachimirirawo kutanga kwemwaka mutsva weCastle Lager Premier Soccer League. Anoti kana asingatambe nhabvu anowanawo nguva yekutandara nemudzimai wake pamwe nekutamba nhabvu nemwanakomana wake wekutanga uyo ane makore maviri ekuberekwa.

“Zvandave pazororo ndiyo nguva yandinowana yekumboswera ndichitamba nemhuri yangu, mudzimai wangu nemwana.

“Mwana wangu nhabvu anoifarira saka tinoswera zvedu tichitamba nhabvu tiri vaviri.

“Asi chinhu chikuru ndechekuti handidi kuti atambe nhabvu nekuti anoona ini ndichitamba kwete, ndinoda kuti azvisarudzire zvaanoda muupenyu hwake.

“Isu mukukura kwedu taisarudzirwa zvekuita nevabereki vedu, dzimwe nguva tichirohwa zvikazivikanwa kuti ndiri kutamba nhabvu. Asi ini handizvo zvandinoda kuti zviitike kumwana wangu, ndinoda kuti asarudze zvaanoda mumwoyo make,” anodaro Zvirekwi.

 

Share This:

Sponsored Links