Tandi haasi kudiwa

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

5. NDEAPI matambudziko masere anowira vatambi vari muna Dare Retariro? Tsigira uchijekesa kuti aive matambudziko nenzira dzipi. [25]

Vatambi vari muna Dare Retariro vanowirwa nematambudziko eurwere. Izvi tinozviona usiku hunorwara VaMandionei pavanotadza kumuka kuti vaende panze kunozvibatsira vasitiroka rutivi rwekurudyi. Vakazoridza mhere yakamutsa Muchaneta uyo akanomutsawo maiguru vake, Tandi ndokukasika kuvaendesa pakiriniki yaiva pedyo nemusha wavo kuti vabatsirwe.

Vatambi vanowanikwa munyaya iyi vanosangana nematambudziko ekutorerwa rezenesi yeutyairi. Tinonzwa nezwi remunyori kuti Zvidzai akanga asingachaendi kubasa raaiita rekutyaira makombi kuChipinge nekuti akanga atorerwa rezenesi reutyairi nemapurisa nenyaya yekutyaira akadhakwa. Izvi zvimwe zvinoitawo kuti azodzokera kumusha kwavo kwaZimunya.

Mubhuku iri vatambi vanowirwa nematambudziko ekurwarirwa. Matambudziko aya anobuda achiwira Moses naMuchaneta vanorwarirwa namai vavo, VaMandionei vaive vasitiroka zvichikonzerwa nechirwere chebhiipii ndokupiwa mubhedha kuchipatara chekwaMutambara.

Munyaya iyi vatambi vanosangana nematambudziko ekurohwa. Izvi zvinobuda Muchaneta paanomhanyira kwaigadzirwa chizumbu chehuku naZvidzai achida kunotakanura Tandi waakanga anzwa achichema. Paanobvunza Zvidzai kuti sei akanga asandudzira Tandi achinowira pasi negotsi anobva arohwa mbama kudama reruboshwe.

Muna Dare Retariro vatambi vanowirwa nematambudziko enzara. Zvinoonekwa kuna Tandi paanosvika achidonhera pamusiwo wehofisi yaBaba Madzore kuchechi yeRoma achiratidzika kupera simba. Pavanomubvunza kuti aive aita sei anovatsanangurira kuti akanga anzwa nenzara.

Vatambi vanowanikwa mubhuku iri vanosangana nematambudziko ekutukwa. Izvi zvinobuda kuna Mufundisi Madzore vanoenda naTandi kumba kwavamwene vake, VaMandionei vachida kunovayananisa kuti vagare zvakanaka. Vanotanga kutukwa naVaMandionei vachinzi vaisafanira kutonga musha wavo uye ngavatakurane nenzenza iyi vaende nayo, kureva Tandi.

Vatambi vari mubhuku Dare Retariro vanoshungurudzika nematambudziko ekusemwa. Matambudziko aya anonyatsojekeswa achiwira Tandi anopiwa midziyo ine rupau naVaMandionei yekuti atange kuzvibikira pake ega. Vanoita izvi vachiti vaitya kuzadzwa utachiona hweHIV hwaakanga ave kurarama naho.

6. Tsanangura nzira shanu dzinoshandiswa naVaMandionei mukuedza kuti Tandiwe adzokere kumusha kwavo muna Dare Retariro. [25]

Rimwe danho rinotorwa naVaMandionei kuti Tandi adzokere kumusha kwavo nderekumurova. Danho iri rinoonekwa panoenda Baba Madzore kumusha kwaVaMandionei vachida kunovarayira kuti vagare naTandi zvakanaka semuroora wavo. VaMandionei vanorova Tandi mbama vachiratidza kushungurudzika nekuti akanga akoka Baba Madzore pamusha pavo.

VaMandionei vanoedza kuti Tandi adzokere kumusha kwavo kuburikidza nekumusema. Izvi zvinonyatsojekeswa pavanomupa midziyo ine rupau yekuti atange kuzvibikira pake ega. Vanodaro nekuti Tandi akanga aonekwa kukiriniki kuti aive neutachiona hweHIV hwavaiti maperembudzi avaitya kuzadzwa kana vakaramba vachishandisa midziyo mimwe chete naye. Vaizviita vachida kuti Tandi azvionere ega kuti vakanga vasingamudi pamba pavo zvachose saka aifanira kudzokera kumusha kwavo.

VaMandionei vanozama kuti Tandi adzokere kumusha kwavo nenzira yekumushungurudza.

Izvi zvinobuda zuva rinotiza Zvidzai pamusha achienda kunoita chihwindi kumakombi ekuDangamvura. VaMandionei vanosara vachibvunza nekunyomba Tandi kuti akanga achiri kugarira ani munhu waakanga avinga asisipo sepavanomuti gara hako asi chako hapana. Apa vaida kuti ashaye shungu dzekuramba ari pamba pavo odzokera kumusha kwavo.

Imwe nzira inoshandiswa naVaMandionei kunyepa kuti havaiziva kuna Zvidzai. Zvinoonekwa pavanoenda muberevere mehozi yairara Tandi muna Moses naMuchaneta. Pavanenge vachitaura naTandi vanozoguma vave kuridza mhere vachiti Zvidzai anenge atofa nekuda kwake asi vachiziva havo kuti aive kuDangamvura. Vaifunga kuti Tandi achatya kuti akonzeresa rufu rwemwana wavo obva atiza achidzokera kumusha kwavo kuChipinge.

Imwe nzira inoshandiswa naVaMandionei kuti Tandi adzokere kumusha kwavo kuvavarira kumubvisa nhumbu. Tinozviona pavanomupopotera nezvekufamba kwaakanga achiita achidzidzisa vanhu nezvechirwere cheshuramatongo.

Vanozoguma vave kumubayabaya nemutsvairo pamuviri vachida kuti azvare mwana akafa, kana zvadaro obva angodzokera kumusha kwavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>