‘Tava kudzidzisa nerurimi rwaamai’

20 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

BAZI redzidzo yepuraimari nesekondari rinoti riri kushanda nesimba mukusimudzira mitauro yose inocherechedzwa mubumbiro renyika sezvo yakakosha mubudiriro yeZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa negurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora, mudare reNational Assembly nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBuhera South, Cde Joseph Chinotimba.

Cde Chinotimba vaida kuziva kana Hurumende iine hurongwa hwekuti vadzidzi vemuno vaite zvidzidzo zvepamusoro sezvekuyunivhesiti vachishandisa mitauro yakaita seShona kana Ndebele sezviri kuitwa kune dzimwe nyika.

“Ukaenda kuChina unoona vadzidzi veko vachifunda neChinese kusvikira vapedza madhigirii avo. Zvimwe chete nekuYugoslavia neCuba.

“Mubvunzo wangu unoti, ticharemekedza rinhi mitauro yedu yakaita seShona neNdebele kuitira kuti vadzidzi vafunde zvakaita seMathematics vachishandisa Shona kana Ndebele?

“Avo vanobva kumabvazuva vachiuya muno vanotaura neChinese. Tichasandura rinhi mafungiro edu kuitira kuti dzidzo yedu iitwe nemitauro inonzwisiswa nevana vedu?” vakadaro Cde Chinotimba.

Dr Dokora vakati mubvunzo uyu wakakosha zvikuru uye bazi ravo rakazvipira mukusimudzira mitauro yose inocherechedzwa mubumbiro renyika.

“Izvi zvakawiriranwa muCabinet Committee inoona nezvedzidzo, kuti vana vekukireshi kusvika Grade 2 vange vachifundiswa nemitauro yavanonzwisisa. Ndiyo nzira yatave kutora. Tine varairidzi vari kuita zvidzidzo zvemitauro yakaita seNambya, Tonga, Shangani, Venda nemimwe,” vakadaro Dr Dokora.

Vakati chirongwa chekusimudzirwa kwemitauro iyi chinoda nguva yakareba uye vachange vachishanda nebazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekusimudzirwa kwemichina.

“Tinogona kupa muenzaniso wekuti mubazi redu tine vamwe vakadzidzira mimwe mitauro nechinangwa chekuti vazofundisa zvidzidzo zvakaita semakombiyuta neShona, Ndebele kana Nambya apo vanowana mukana wekutsanangura nezvemakombiyuta aya vachishandisa mitauro iyi. Saka tiri kuti takatanga chirongwa ichi, asi hachizi chebazi rimwe chete,” vakadaro Dr Dokora.

Mimwe mitauro inocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika ndeinoti Chewa, Chibarwe, English, Koisan, Ndau, Sotho, Tswana, Venda, Xhosa nemutauro wemasaini.

Share This:

Sponsored Links