TB: Tose tine basa

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
TB: Tose tine basa

Kwayedza

ZIMBABWE svondo rapera yakabatana nedzimwe nyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rekurwisa kupararira kwechirwere cherurindi, reWorld TB Day.

Gore negore zuva iri rinocherechedzwa musi wa24 Kurume uye gore rino mhemberero idzi dzakaitirwa kuShurugwi, kuMidlands.

Dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Ngatibatanei mukupedza TB: Hakuna anosara”.

Zvinofadza kuona kuti nhengo dzekomiti yedare reParamende inoona nezveutano nekurerwa kwevana dzaivekowo kumhemberero idzi uye dzakavhenekwa chirwere cherurindi.

Danho rakatorwa nenhengo dzekomiti yedare reParamende iri rinofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuti dzakaratidza mucherechedzo wakanaka uyo unofanirwa kutevedzerwa neveruzhinji.

Chirwere cherurindi kana kuti Tuberculosis (TB) chinokonzerwa neutachiona hunonzi mycobacterium tuberculosis uye chinowanzokanganisa mapapu. TB inoparadzirwa kubva kumunhu anayo keunda kune asina kuburikidza nemweya wekufema.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rinoti muna 2015 vanhu vanosvika 10.4 miriyoni pasi rose vakabatwa nechirwere cherurindi, 1.8 miriyoni vavo ndokufa.

Huwandu hwevanhu vanonzi vakafa neTB uhu hwakawanda zvikuru uye zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa neupenyu nekuda kwezvirwere zvinokwanisa kudzivirirwa.

WHO inoti zvakare chikamu che95% chendufu dzinokonzerwa neTB chinowanikwa kunyika dzichiri kusimukira.

Nekudaro zvakakosha kutora matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Sekutaura kwaDr Charles Sandy, avo vanove deputy director kuchikamu cheHIV and AIDS kubazi rezveutano nekurerwa kwevana, zvakakosha kuti veruzhinji vavhenekwe chirwere ichi nguva ichiripo.

Izvi zvinoitirwa kuti zvive nyore kurapa TB kana ichangotanga pane kumirira kusvikira yadingindira mumuviri.

Pamusoro pezvo, panofanirwa kuve nedzidziso yakasimba inoitwa nebazi rezveutano rakabatana nemasangano nemapoka akazvimirira pamusoro perurindi. Kune vamwe vanhu vanonyara kana kutya kunovhekwa TB nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Zvimwe zvezvikonzero izvi zvinosanganisira kutarisirwa pasi kunoitwa vane TB nevamwe vanhu sezvo rurindi dzimwe nguva ruchinzi runodyidzana neHIV neAIDS. Asi hazvirevi kuti munhu wose anenge ane rurindi ane HIV kana AIDS nekuti TB yakagara iriko mukondombera usati waveko.

Kunyangwe zvakadaro, hapana chikonzero chinoita kuti vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV neAIDS vasarurwe.

Tinorumbidza zvikuru danho rakatorwa nenhengo dzekomiti yedare reParamende inoona nezveutano rekuvhenekwa chirwere cherundi pamwe nekutsigira mhemberero dzeWorld TB Day.

Tinoti kuita kwakadai uku ngakupararirewo mukurwisa zvimwe zvirwere – zvikuru HIV neAIDS.

Share This:

Sponsored Links