‘Tengai michina yemadiridziro’

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Tengai michina yemadiridziro’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
KAMBANI yeBlagefields Marketing (Pvt) Ltd — iyo inogadzira michina yemadiridziro yeMoneyMaker Irrigation Pumps — yokurudzira varimi nevamwe vanhu vakazvimiririra kuti vatenge michina yemadiridziro munguva ino yekunaya kwemvura segadziriro yekuti vazokwanisa kuishandisa muchirimo.

VaBrian Vere vanove director wekambani iyi vanoti vari kurerutsira vatengi kuburikidza nehurongwa kwekuti vabhadhare mari yekutenga michina yemadiridziro iyi pashoma nepashoma kusvika vapedza.

“Mwaka wekunaya kwemvura tinouda zvikuru asika ngatirangarirei kuti mvura ichaenda kugopisa zvakanyanya zvinova zviri kukonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze. Shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva iripo, saka ngatigadzirirei mwaka wekupisa uri pamberi kuti tigokwanisa kurima zvirimwa zvedu kwegore rose kuburikidza nemadiridziro,” vanodaro.

Vanoti vari kupa vatengi mukana wekubhadhara mari yemidziyo yavo mukati memwedzi mitatu.

“Tiri kutambira nzira dzose dzekubhadhara nadzo midziyo yemadiridziro dzakadai sekushandiswa kwemari yeplastic money, kutumira nemabanga, EcoCash kana TeleCash nekubhadhara pashoma nepashoma,” vanodaro.

VaVere vanokurudzirawo varimi kuti vachengetedze mvura yemumatsime, madhamu pamwe nekukohwa mvura iyi nenzira dzakasiyana kuitira kuti vazoishandisa munguva yekuomerwa.

Madiridziro eMoneyMaker Irrigation Pump ari nyore kushandisa sezvo asingade simba remoto wemagetsi, mafuta emhando yedhiziri kana peturu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey