Terrible okonzeresa ‘tiraburu’

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Terrible  okonzeresa  ‘tiraburu’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
VAVAKIDZANI vakatsvukisirana maziso mudare redzimhosva pamusoro penyaya yekuitirana makuhwa pamwe nekuramba kubhadharana chikwereti chemari inonzi yakashandirwa nemumwe wavo.

Beaula Kamunhu akadhonzera Terrible Mharadze kuHarare Civil Court achimupomera mhosva yekumutuka nekumuitira makuhwa munharaunda yavanogara.

“Changamire, ndauyawo nababa ava kuno kuti vamiswe tsika yavo yekundishaudha muraini uye kuita makuhwa vachitaura pamusoro pangu. Zvimwe zvavanotaura hazvina kana musoro uye ndave kutonyara kufamba muraini,” anodaro Kamunhu.

‘‘Anoti Mharadze anomutyisidzira zvekuti akamuona munzira anotiza achitya kurohwa.

“Baba ava vanondityisidzira zvekuti pese pandinosangana navo munzira ndinototiza kutya kurohwa,” anodaro.

Mharadze anoti haapikisane nechikumbiro chaKamunhu chegwaro rerunyararo asi kuti anoda chete kuti amupe mari yake iyo yaakamushandira.

“Handipikisane nechikumbiro chaamai ava munovapa zvenyu asi ini ndinoda $213 yangu yandakavashandira iyo yavasiri kuda kundipa uye vanogara vachitiza pese pandinonovabvunza. Ngavandipe mari yangu, ndinosiyana navo,” anodaro Mharadze.

Kamhunu anobva amugamha achiti mari iyi yaisava yake asi kuti yemunin’ina waMharadze nekuti ndiye waainge akataurirana naye panyaya yebasa saka ndiye waaizopa mari yacho.

“Mari yaari kutaura haisi yake, munin’ina wake ndiye wandakapa basa, ndiye wandakataura naye nezvemari.

‘‘Iye aingobatsira chete saka mari ndichapa muridzi wayo chaiye uye ndakatomupa imwe yacho kukasara imwe,” anodaro Kamunhu.

Mharadze anopikisana nemashoko aya achiti vakashanda basa iri vose nemunin’ina wake zvinoreva kuti mari ndeyavo vose.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Kamunhu gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links