Uncategorized

‘Tezvara vanondida’

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
‘Tezvara vanondida’

Kwayedza

‘ . . . inhema dzake, hakuna zvakadaro’

Kingstone Mapupu naTrymore Muvhawa—

PANE mukadzi wemuHarare anoti tezvara vake vamushungurudza vachimuti ivo ndivo vaifanirwa “kumushaura” pabonde vachimuita mukadzi setsika yekwavo.Nechikonzero chekuti ari kuramba izvi, anoti aoneswa chitsvuku nenyoka dzinomuita mudzimai – idzo dzaanoti imwe yakasanduka kubva mutsvimbo yatezvara ava neimwe yakabva mumaruva.

Netsai Mutuka (39) anoti kubvira achiroorwa, tezvara vake vakamuinga vachiti vanofanirwa kushinha naye asi iye ndokuzviramba.

Zvisinei, tezvara vaNetsai, nemurume wake – uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe achiti zvinomukanganisa kubasa kwake –  pamwe chete navamwene vake vari kuramba nyaya iyi vachiti zvose manyepo.

Netsai akabuda pachena kuKwayedza pasina kana kunyara achiti kubva paakaroorwa mugore ra1999 achienda kumusha kwemurume wake kwaSerima, kwaGutu, tezvara vake vanomukumbira kuti vashinhe naye pabonde. Anoti anoramba zvinodiwa natezvara ava izvo zvaanoti zvakonzera kuti asawirirane navo.

Netsai anoti: “Pandakaroorwa, ndakazoenda kumusha uko ndakasvikopinda mumba mavamwene natezvara vangu. Tezvara vangu vakanditi ndinofanirwa kutanga ndashinha navo semutemo wemumusha mavo asi ini ndakazviramba.”

Anoti nyaya iyi akazoitaura kuna vamwene vake, “avo vakanditi ndakamboroorerwa chii ndiri mudiki”. Vanonzi vakamuti nyaya iyi isafumurwe.

“Ndakadzingwa mumba navatezvara vangu navamwene ndikatanga kurara panze kusvikira ndakazokanya zvidhinha ndikavaka imba yangu yekutanga,” anorondedzera Netsai, maziso ake achiita seachadonha misodzi.

VaUrayayi Mutuka Jombo. - (Mifananidzo naShelton Muchena)

VaUrayayi Mutuka Jombo. – (Mifananidzo naShelton Muchena)

Haana kubuda pachena kuti tezvara ava vanodaro kuvamwe varoora here kana kuti kwete.

“Panyaya yekuti tezvara vangu vanondida zvekuda kushereketa neni, vamwene vangu mbune vanozviziva,” anodaro.

Netsai anoti nyaya yake navatezvara akaisvitsawo kwaMambo Serima, uko akapihwa zano rekuti atame.

“Takazotama kumusha, ndikazosiya zvekare musha wekuMvuma ndichidzoka kuzogara kuno kuHarare. Ndipo pandakatanga kuona ndichiitwa mukadzi nenyoka yakakura segumbo rangu iri. Kusvikira nanhasi, ndinotambudzwa nenyoka pamadiro.”

Netsai anotizve anoona nyoka mbiri pamba pavo – yechirume neyechikadzi.

“Imwe yenyoka idzi yakasanduka kubva mutsvimbo yatezvara vangu asi imwe yacho yakabva muruva,” anodaro.

Anoti kuburikidza nekushandiswa nenyoka idzi, anorwadziwa zvikuru nemusana nemudumbu achiita seakagara pazvipikiri.

“Kusikarudzi yangu kunoshosha ndichipera simba. Mari chaiyo mumba haibatike. Ndinogara ndichimhan’ara kuvakuru vekubasa kwemurume wangu.”

“Ini zvangu zvemurume handichada, ndaneta nezvandinoitwa nenyoka. Ndapfidza,” anodaro Netsai.

Achienderera mberi, Netsai anoti rimwe zuva tezvara vake vakaenda kumba kwake vaine tsvimbo yakazopinduka kuita nyoka iyo vakasvikoisa pasi pekapeti pamusiwo wemba yaanorara nemurume wake.

“Tsvimbo iyi ndakaiona ndikabvunza, asi ivo baba vakabva vafuma vachidzokera kumusha varamwa,” anodaro.

Anoti pamusoro pezvo, mumba mavo mave kugara muchionekwa makonzo panguva yemanheru ayo anozotanga kukura kuita kunge mazikatsi.

“Kunze kwemakonzo anokura kuita kunge katsi aya, mumba medu tinoona matatya makuru anobva pasi pemubhedha.”

Netsai anoti vabereki vake vanoziva dambudziko rake. Anoti izvi zvimwe chete kudivi rehama dzemurume wake “asi hapana anoda kundibatsira”.

Murume waNetsai, uyo pakutanga akamboramba kuita hurukuro nevatori venhau, akazouya kumahofisi eKwayedza kuzopa divi rake panyaya iyi.

Murume uyu, uyo anopinda chechi yekwaMwazha, akakumbirisa kuti asadurwe nezita ndokuti hapana zvakawanda zvaanoziva nekuda kwenyoka dzinotaurwa naNetsai.

Anoti nyaya yekuti baba vake vanoda kushinha nemuroora manyepo.

“Zvose zvakataurwa nemukadzi wangu manyepo, inyaya dzekurota uyewo kumaporofita nekun’anga kwaanoenda ndiko kwakanganisa musha wedu nekuda kwezvaanotaurirwa. Hapana chaanoita chaanonditaurira,” anodaro murume waNetsai.

Anoti mudzimai wake akatiza kumba uye akatovhurisa dhoketi rekumapurisa rekuti haazive kwaari pari zvino.

“Mudzimai wangu ndinomuda asi mamwe matambudziko aya ndeekumusha kwake nekuti pandakamuroora akatanga kunditi ndinonamata here sezvo aiti ane zvekumusha kwake zvinoda kuti vanamate izvo aiva akaturikwa,” anodaro.

“Nyaya iyi yakatanga apo taigara kumusha, paiva nekusawirirana kukuru kwemudzimai wangu nevabereki vangu. Ini zvavainetserana ndaisazviziva,” anodaro murume waNetsai.

Anoramba zvakare nyaya yekuti mhuri yake inotambura panyaya dzemari achiti iye Netsai ndiye anotora mari kubhanga.

Kwayedza yakazoshanyira tezvara vaNetsai, VaUrayayi Mutuka Jombo (82), kumusha kwavo avo vanoti hapana zvavanoziva nekuda kwenyaya yekunzi vane nyoka inoshinha nemuroora wavo uye kuti ivo vanoda kushereketa nemuroora.

 

“Nyoka inoshinha nemukadzi chirudzii? Kana izvo zvekunzi ndinonoshinha nevaroora, handina zvandinoziva. Mukadzi uyu anoda kuparadza musha wangu nekuti vana vangu vose havachawirirana nekuda kwemakuhwa ake.

“Kana achida kubva mumusha mangu ngaabve zvakanaka osiya asina kuuraya mwana wangu. Mwana wangu (vachimudura nezita rake) ari muchoto nemukadzi uyu,” vanodaro VaJombo.

Vanoti vane tsvimbo yavo yakanaka zvikuru, iyo vakatengerwa nemuzukuru wavo yavanoti haina chekuita netsvimbo inonzi naNetsai yakasanduka ikaita nyoka.

“Izvozvi tinotodawo kuona vazukuru vedu vakabva kuno vari vana vadiki, havachaziva chinonzi mombe. Iye mwana wangu ane mombe dzake 8 asi mukadzi wacho haadi kuuya. Murume ndiye anongouya oga.

“Mwana uyu ari muchoto chaimo, anogara achisungiswa. Kuno hatizive mari yake kana sendi saka ngaarege kutizora makuhwa akadai,” vanodaro tezvara ava.

Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo, Mbuya Tariro Mutuka (76), vachiti muroora wavo anoparadzira manyepo sezano rekuti awane maendero kumusha kwake.

“Chii ichocho? Ndokusaka vakuru vaiti rooranai vematongo, vairevesa. Chionai zvatave kuitirwa nemuroora uyu!

“Kana iyo nyoka inonzi inoshinha naye ndezvekumusha kwake. Ngaasiye mwana wangu ari mupenyu, mukadzi uyu haadi zvemusha, dzimba dzake dzave kudhirika mukati mava nechuru,” vanodaro vamwene vaNetsai.

Mumwe muroora wepamusha apa, Mary Zvinowanda (36) – uyo akaroorwa muna 1998 – anoti haana kumbobvira akasvitswa shoko rerudo natezvara vavo.

“Hamheno ivo amainini vanozvitaura, ini hazvina kumboitika kwandiri. Zvenyoka inoshinha nevaroora izvo handizvizive,” anodaro Mary.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey