Ticharwa semvumba: Makutya

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Ticharwa semvumba: Makutya

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUTUNGAMIRI weZimbabwe National Paralympics Committee – Michael Bulagango – anoti chikwata cheZimbabwe National Wheelchair and Hand-cycling icho chiri kuenda kunokwikwidza kumujaho weOtanique wheelchair Challenge kuSouth Africa chinofanira kurwa semvumba kuitira kuti chisimudzire mureza wenyika.

Achitaura svondo radarika muHarare pamhemberero dzekuonekana nechikwata cheTeam Zimbabwe icho chiri kunokwikwidza musi weMugovera, Bulagango anoti chishuwo chavo kuti vanokumba menduru dzegoridhe.

“Sekuziva kwenyu nyika yose parizvino iri kugunun’una pamwe nekurwadziwa nekukundwa kwakaita maWarriors kuAfcon, saka imi endai munohwina goridhe muunze mufaro pazviso zvavo.

“Tinodada nemi nekuti tinoziva kuti munozviita.

“Endai munohwina kudarika zvamakaita gore radarika,” anodaro Bulagango.

Chikwata cheTeam Zimbabwe chine vatambi 13 – varume vasere nevanhukadzi vashanu.

Gore radarika, chikwata ichi chakakwanisa kuhwina menduru 11 dzakasiyana.

Kaputeni weTeam Zimbabwe, Edmund Makutya, anoti chikwata chavo chakagadzirira zvikuru kuenda kunohwina menduru yegoridhe chete kuSouth Africa uye hapana chinovakonesa kana vachitarisa rutsigiro rwavakawana kubva kumakambani akasiyana.

“Handina remuromo nerutsigiro rwatawana kubva kumakambani akasiyana, runofadza zvikuru uye tinorwuyemura nekuti pasina makambani aya tingadai tisiri kuenda kunokwikwidza.

“Tinovimbisa kuti tichadzoka negoridhe rega-rega kwete zvimwe uye tinozviita nekuti vatambi tinavo vane matarenda mumutambo uyu,” anodaro Makutya.

Chikwata ichi chine vatambi vanosanganisira Wilson Nyakoko, Edmund Makutya, Samson Muroiwa naThandiwe Ndlovu avo vachakwikwidza mumijaho yakareba makiromita 21 ne42.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>