Tichasimudzira: Chaminuka

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Tichasimudzira: Chaminuka SAUL Chaminuka

Kwayedza

SAUL Chaminuka

SAUL Chaminuka

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weZPC Kariba, Saul Chaminuka, anoti chikwata chake chiri kutangira pavakasiira gore rapera apo vakapotsa vahwapura mukombe wePriemer Soccer League uye parizvino vari mushishi kuchiumba zvichitevera kutizwa kwachakaitwa nevamwe vatambi nguva yadarika.

ZPC Kariba yakatamba nhabvu inodakadza mwaka wadarika apo yakapotsa nepadiki kunyora nhoorondo nekuhwina mukombe wePSL ichangopinda muligi iri kekutanga.

Mutambi wechikwata ichi, Dennis Dauda, ndiye akahwapura mubairo weSoccer Star of the Year kozoti Chaminuka akaenda neweCoach of the Year.

Asi mwaka weZPC Kariba rwendo rwuno unogona kutanga zvakaipisisa sezvo vamwe vatambi vane chitsama vakaita saObey Mwerahari, Ephraim Mwinga, Peter Muzondo naLimited Chikafa vakabva vachienda kune zvikwata zvakasiyana zvemuPSL. Uyuwo Dauda parizvino anonzi ari mushishi kutsvaga chimwe chikwata chekuenda kunotambira.

Zvakadaro, Chaminuka anoti chikwata chake hachisi kuzorasa tariro nekubva kwakaita vatambi ava uye parizvino vari mushishi kuchiumba.
Anoti kubva kwavo hakumboshamise sezvo zvagara zvichitika pasi rose apo vatambi vanobva kune chimwe chikwata vachienda kumwe nekuda kwezvikonzero zvakasiyana uye chakakosha kuti vakwanise kuvatsiva nevamwe vanogona.

Sekutaura kwaChaminuka, anoti kuenda kwevatambi ava kuchabatsira kupa vamwe mukana wekurakidza hunyanzvi hwavo mumutambo uyu.
“Zvinowanikwa munhabvu kunyika dzose, vatambi vanobva vachienda kuzvikwata zvakasiyana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana saka isu ibasa redu sevarairidzi kuti tikwanise kutsiva vatambi ava.

“Hatifanirwe kurasa tariro tinofanirwa kutosimba tobata basa sebasa. Zvatakaita gore radarika zvakashamisa vazhinji uye gore rino tinofanirwa kusimudzira kubva patakasira,” akadaro Chaminuka.

Gore rino vatsigiri vazhinji venhabvu vachange vakaisa maziso avo pachikwata chaChaminuka vachida kuona kuti chichasvika padanho remwaka wapera here apo chakaonesa Dynamos FC ndondo chichida kuibvutira mukombe wePSL.

Zvisinei, ZPC Kariba yakazorasa mukana apo yakarakashwa neCAPS United pazuva rekupedzisira zvakaita kuti Dynamos irambe iine mukombe uyu.

Chaminuka anoti gore rino havasi kuda kuzvipa mutoro wakanyanya wekuti vatambe nhabvu seye gore radarika.
“Gore radarika mwaka wedu wakatifadza zvikuru uye takatamba nhabvu kana ini yandakagutsikana nayo. Ndinoziva zvikuru kuti gore rino vatsigiri venhabvu vachada kuona tichipfuura zvakatakaita gore radarika asi isu hatisi kuda kuzvipa mutoro wakanyanya kuti tipfuure ipapo.
“Chinhu chakatikoshera kuti tirambe tiri muligi hatisi kuda kuzvipa mutoro wakanyanya.

“Chatinoda kuti tipedze mwaka wedu tiri pakati pezvikwata zviri muTop 6 chete,” akadaro Chaminuka.
Zvakadaro, anoti ari kushuvira zvikuru kuti nhandare yavo iyo yange ichivakwa kuKariba inge yapera kuvandudzwa munguva pfupi inotevera.
Gore rino, anodaro Chaminuka, anoda kuti ZPC Kariba itambire mitambo yayo kuKariba pamberi pevatsigiri vayo kwete zvemwaka wadarika apo yaitambira kunhandare yeGwanzura kuHighfield, muHarare.

“Takangomirira kunzwa kubva kukanzuru yeKariba kuti yapedza basa here nekuti isu gore rino tiri kuda kutambira nhabvu yedu pamusha pedu kuKariba kwete kuHarare.
“Kutambira pamusha penyu kwakanaka chaizvo sezvo munenge mune rutsigiro rwese rwamunenge muchida,” akadaro Chaminuka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey