Timbokurukura nezvechirwere chegurokuro

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Timbokurukura nezvechirwere chegurokuro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
CHIRWERE chegurokuro — goitre pachiRungu — chinotambudza zvikuru uye munhu anacho anoonekwa nekuzvimba pahuro pachiita zibundu.

Munhu ane chirwere ichi anokundikana kuburitsa izwi rake zvakanaka uye achitambura pakufema kana bundu iri rikaramba richikura. Chirwere chegurokuro chinokonzerwa nekushaikwa kwemunyu une iodine mumuviri iyo inofanira kunge ichiwanikwa muchikafu.

Dziviriro:

◆ Chirwere ichi chinodzivirirwa nekudya munyu une iodine.

◆ Munyu wose uri muzvitoro muZimbabwe une iodine uye ichi ndicho chikonzero chirwere ichi chiri chishoma munyika muno.

Marapirwo:

◆ Kana chirwere ichi chichinge chakomba apo bundu racho rinenge raomarara, rinenge rave kuda kuvhiiwa nemachiremba kuzvipatara.

◆ Gurokuro chirwere chisingatyise zvakanyanya, asi kusara kwekunge chasvika padanho rekukanganisa nzira dzinofambisa mweya wekufema kana kuti chaita gomarara.

◆ Kana murwere ane gurokuro ave kuonekwa achidedera zvakanyanya uye maziso achibuda kunze, inenge yave imwe mhando yedenda iri iyo inowanzowanikwa kune dzimwe nyika saka zvakakosha kukasika kunoona vanachiremba.

◆ Ruzivo urwu rwunobva muzvinyorwa zvesangano rinorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen’s Action Group, izvo zvinodaidzwa kuti “Utano Hwako, Upenyu Hwako”.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey