Tingarwise sei gomarara?

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Chikamu 2
SVONDO rino tiri kuenderera mberi nekudzidzisa veruzhinji kuti vangaita sei kuti vararame upenyu hwakanaka apo vanenge vaine gomarara.

Kusuwa nekushungurudzika:
Vanhu vazhinji, avo vanenge vaine gomarara, vanoshaya mufaro.
Vanonzwa kuti vari kurasikirwa neutano uye kushaya tariro neupenyu apo vanoona musiyano weupenyu hwavairarama nehwavanenge vave kurarama.
Kunyangwe kana uchinge wapedza chirongwa chekurapwa, unogona kungosara usina mufaro uye izvi zvinoitika asi zvichitora nguva kuti zvibve mundangariro.
Kana usina mufaro, unopera simba uye haufariri kudya asi izvi zvinogona kuzopera nekufamba kwenguva.
Kune vamwe vanogona kunzwa hasha dzakanyanya. Kune vari kurapwa gomarara, zvinogona kukonzerwa nekusanduka kunoita uropi zvichitevera mushonga yaunenge uchitora.
Ungawane sei rubatsiro mukushungurudzika uku?
Kushungurudzika kwepfungwa kunorapika kana uchinge waita zviratidzo zvinotevera uye wana rubatsiro rwekurapwa nguva ichiripo. Zvakakosha kuita hurukuro nachiremba pazvinetso zvako.

Zviratidz0 zvekushungurudzika:
– Kutsamwa kusingaperi
–  Kunzwa kusada kana kutaura
– Kunzwa kuzarirwa nehasha uchidedera
– Kunzwa kapfungwa kekuti hauna kukosha
– Kushaya tariro neupenyu
– Kukasika kugumbuka
– Kusagadzikana kwepfungwa
– Kuchema kwenguva ndefu pazuva
– Kuramba uchifunga ne- zvematambudziko eupenyu
– Kushaya hanya nekuita mitambo inosimbisa muviri
– Kushaya hanya nekudya kana kuva neshamwari uye mhuri
– Kufunga zvekuzvikuvadza
– Kufunga kuzviuraya

Kusanduka kwemuviri:
– Kuwedzera kana kuderera kwehuremu hwemuviri nekuda kwehurwere
– Dambudziko pakurara zvakadai sekurarisa kana kuita madzikirira
– Kurohwa nehana zvakanyanya, kuita manyoka kana kutadza kufema zvakanaka
– Kusanduka kwehuwandu hwesimba
– Kugara wakaneta
– Kutemwa nemusoro kana dzimwe nhengo dzemuviri dzichirwadza

Ungabatsirikana sei?
– Tsvaka zvinhu zvakanakira upenyu hwako
– Usazvishora nekuda kwegomarara
– Wana nguva yekuzorodza pfungwa dzako
– Ita mitambo inosimbisa muviri uchifara nevamwe
– Tsvaka vapangi vemazano usangogara uri wega
– Kwasha rubatsiro kune machiremba nekukasika urwise marwadzo emuviri

Share This:

Sponsored Links