Uncategorized

Tinoda runyararo: President

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Tinoda  runyararo: President

Kwayedza

Tandayi Motsi —
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe vanoti vanorumbidza mauto eZimbabwe Defence Forces (ZDF) nebasa guru raari kuita mukuchengetedza runyararo munyika, vachiti runyararo urwu rwunofanira kuramba rwuripo apo Zimbabwe yakatarisana nesarudzo dzichaitwa gore rinouya.

President Mugabe — avo vanovazve mukuru wemauto eZDF — vakataura mashoko aya nemusi weMuvhuro svondo rino kuzviuru nezviuru zvevanhu zvainge zvakaungana kunzvimbo inovigwa magamba enyika, yeNational Heroes Acre, pazuva rekucherechedza magamba akarwira rusununguko rweZimbabwe, reHeroes Day.

“Tinoda runyararo urwu, saka ndinoda kukutenda imi (veZDF), kutenda nyika yedu nerunyararo rwatinarwo nemauto edu nekutichengetedza kwavari kuita,” vanodaro President Mugabe.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mazuva atichaita sarudzo dzedu ari kuramba achiswedera. Tava kuzosvika zvino kune mumwe mutambo muno munyika. Tava kugadzirira sarudzo dzedu. Tiri kuti sarudzo idzi dzichaitwa murunyararo, murunyararo mumapato akasiyana ezvematongerwo enyika. Tinoda runyararo mumabasa edu.”

President Mugabe vanoti panofanirwa kutsvagwa nzira dzekubatsira vana vevaiva varwi vehondo yerusununguko mune zvakasiyana.

“Tinoda rubatsiro. Ndinoda kukumbira kwamuri kuti muendewo kumapurovhinzi kwenyu muchiti President vari kuti vanoda rubatsiro rwevana vakasiiwa nevava vari pano (magamba akaradzikwa paNational Heroes Acre) zvakare mhuri dzevamwe dzatichinadzo, dzevarwi vehondo yerusununguko dziri kutambudzika,” vanodaro.

President Mugabe vanotiwo zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibatane mukusimudzira nyika.

“Tinoda kuti tirambe takabatana pane zvinangwa zvakakosha zvekuti nyika yedu ibudirire,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links