‘Tinoda vadzidzisi vakafundira basa’

27 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE ine chishuwo chekuti zvikoro zvose zvive nevarairidzi vakadzidzira basa nedonzvo rekusimbisa budiriro iripo muchikamu chedzidzo.

Mashoko aya akataurwa negurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mudare reNational Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weLupane West, VaMartin Khumalo.

VaKhumalo vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende kuti muzvikoro muve nevarairidzi vakadzidzira basa vachiti kudunhu ravo reMatabeleland North kuchiri nezvikoro zvakawanda zvine vadzidzisi vasina kufundira basa iri.

“Tine dambudziko guru muzvikoro zvedu apo zvakawanda hazvina varairidzi vakadzidzira basa nekuti maticha akafundira basa havadi kuenda kuzvikoro zviri kumaruwa.

“Saka mubvunzo wangu kugurukota unoti mutemo weHurumende wakamira sei maringe nekupinzwa basa kwevadzidzisi?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti bazi rezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya ndiro rinopinza vadzidzisi basa uye rinovapa gwara maringe nehuwandu hwevarairidzi vanodiwa muzvikoro.

“Ndinofara kuti Public Service Commission, iyo iri pasi pebazi iri, svondo rapera yakatizivisa gwara ratinofanira kunge tichitevera saka zvinoreva kuti bazi redu rave kukwanisa kuendesa maticha aya kwaanenge achidiwa.

“Kazhinji hatitarisire kuendesa varairidzi vasina kudzidzira basa kuzvikoro nedonzvo rekusimudzira dzidzo asi kuti kune nzvimbo dzinenge dziine kushomeka idzo dzisina varairidzi vakafundira basa vakakwana,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti pari zvino varairidzi vakafundira basa vari kushomeka ndevekireshi pamwe nevezvimwe zvidzidzo zveA-Level.

VaKhumalo vakabvunza zvakare kuti zvii zviri kuitwa neHurumende mukuona kuti varairidzi vadzidzisa munzvimbo dzinotaurwa mitauro yavanonzwisisa.

Vachipindura mubvunzo uyu, Dr Dokora vanoti bazi ravo rakatanga chirongwa chekuti vadzidzisi vavandudze ruzivo rwavo nekufundiswa mitauro yakasiyana uye chikwata chekutanga chevadzidzisi 322 chakatodzidziswa mitauro yakadai seNambya, Tonga, Venda, Shangani neChewa kumayunivhesiti.

Share This:

Sponsored Links