Tinogona kupedza aids mugore ra2030?. . . zvii zvingatipingaidze?

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
Tinogona kupedza aids mugore ra2030?. . .  zvii zvingatipingaidze?

Kwayedza

NJODZI chii uye pane zvingaitwe here kuti munhu asapinde munjodzi? Hongu, njodzi inogona kunzvengeka. National AIDS Council Risk and Audit Director VaEvaristo Nyamutswa vanojekesa kuti njodzi chii, unogona kuinzvenga here, unogona kuitambanudza here kuti isareme?

Kana zvose izvi zvisingagoneke, munhu anofanira kuona kuti ochifambisa sei dambudziko ramuwira iri?

VaNyamutswa vaitaura vari pamusangano wevanhu vanorarama neutachiona hweHIV kwaMurehwa nguva pfupi yadarika. Njodzi inogona kupinza munhu muna taisireva asi inogona zvakare kupa mumwe zambuko.

“Kana njodzi yatadza kunzvengeka zvinoreva kutarisana nayo uye kuchiitakura kuti isareme. Makambani makuru chaiwo akavhara atadza kuziva kuti paamira panonyudza uye zvapanonyudza vodii. Kutakura uku kunoreva kuti njodzi iyi yave kugoneka uye kuti zivo yavepo kuti zvakadai zvisadzokorereke,” vanodaro VaNyamutswa.

Huwandu hwevanhu muZimbabwe hovavarira kusvika pa15 miriyoni apa tichitarisa vari muno chete kwete vakaenda kumarimuka.

Dunhu reSouthern Africa ndiro rakanyanya kuremerwa nedenda reAIDS pasi rose.

Kana takatarisa kupedza denda reAIDS mugore ra2030, ndima iyi inoreva kusakura nekuzunza pamwe chete sedunhu reSouthern Africa.

Zvinhu zvatingati injodzi ingatibvise mugwara rekupedza AIDS ndeizvi. Kutapurira utachiona hutsva hweHIV injodzi huru mukusapedza denda iri. Kutaura kuno kuchine mhomho iri kubata utachiona hutsva.

National AIDS Council mugore ra2013 yakazivisa kuti vanhu vanorarama neutachiona hweHIV chikamu che14,8% asi makore gumi apera chaive pa25%.

Vamwe vevanhu ava vari pamapiritsi emaARV. Vanhu vanosvika 1,5 miriyoni vari kurarama neutachiona muZimbabwe. Pavanhu ava, 800 000 vari pachirongwa chemaARV. Ko ruzhinji rwose kuti tisvike pa1,5 miriyoni ruri kubatana nei? Vanhu ava vanofanira kunge vari pamushonga asi nekuti homwe yakaremerwa havasi kukwanisa kupinda pachirongwa cheHurumende icho chinokotsverwa neGlobal Fund chekupa mapiritsi aya. Kune vanasahwira vakuru vakaita sePEPFAR, EGPAF, Clinton Foundation nevamwe vatisina kudoma nemazita vari kukuta mundima iyi.

Chiremba mukuru mubazi rehutano nekurerwa zvakanaka kwevana kuchikamu cheHIV/AIDS neTB, Dr Owen Mugurungi, vanoti senyika tafamba nendima nekuti vana vowanawo mishonga. Izvi vakazvitaura pamusangano mumwe chete iwowo.

“Senyika tasvika pa90% yekupa vana vanoda maARV naizvozvo raimbove dambudziko rekuti vana havasi kuwana mushonga takari kunda. Chimwe chandinofara nacho ndechekuti vana vashoma vava kuberekwa vaine utachiona hweHIV. Chirongwa chekudzivirira utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana cheOption B+ chapa tarisiro huru nekuti chiri kufamba zvakanaka uye negwara. Madzimai akazvitakura anokurudzirwa kuenda kusikero voongororwa ropa kana vawanikwa vaine utachiona vanobva vaiswa pachirongwa chekudzivirira utachiona kuenda kumwana,” vanodaro Dr Mugurungi.

“Vana vanosvika 6% pane vose vakazvarwa ndivo vakaonekwa vaine utachiona hweHIV mugore rapera uye chinangwa chekuti vadzikire kusvika 5% tiri kuona chichibatika.

“Kuisa amai vakazvitakura pamaARV kunobatsira kuti mwana asatapurire HIV,” vanodaro.

Utachiona kubva kuna amai kuenda kumwana raive dambudziko asi rakundwa. Dambudziko reutachiona hutsva hwakanyanya huri kuwanikwa muvanasikana vane makore 15 kusvika 24 okuberekwa.

Vana vemakore gumi kusvika gumi nemana vane utachiona chikamu chavo chiri pa3%. Apa tinenge takatarisa vose vasikana nevakomana. Kana tasvika pamakore gumi nemashanu kuenda pamakumi maviri nemana, vakomana vanoramba vari pa3%, vasikana votungidza gwenya reutachiona kuenda pa11%.

Iyi injodzi inofanira kudzimurwa kana takatarisana nekupedza denda reAIDS mugore ra2030. AIDS haingapere kana pwere idzi dzikasiyiwa dzisina kuyambutswa.

Takatarisa nhau iyi ndiani ari kurara nevasikana ava nekuti vakomana vezera ravo havasi kukurumbira panhau yeutachiona hweHIV? Anasaimba chaivo ndivo vari kupa pwere utachiona hweHIV. Dambudziko iri injodzi chaiyo yekuti hatiyambuke kupedza AIDS mugore ra2030. Todii? Ngatikurukure tinzwe kuti denda rinopera here kana vanhu vane pfungwa yekupinda pabonde pasina dziviriro?

 

Share This:

Sponsored Links