‘Tinokoshesa mitauro’

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Tinokoshesa mitauro’

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanoti Hurumende inokoshesa mitauro yose inocherechedzwa mubumbiro remutemo wenyika ino uye pakupinza varairidzi mabasa inotarisawo kuti vane ruzivo here nemitauro inoshandiswa munzvimbo dzavanenge vachizonoshandira vari.

Dr Dokora vakataura mashoko aya nguva yadarika mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation, Muzvare Priscilla Misihairabwi-Mushonga.

Muzvare Misihairabwi-Mushonga vaida kuziva kuti pakupinza varairidzi mabasa, bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rinotarisa here nyaya yekuti vanofanirwa kunge vachiziva mitauro inoshandiswa mumatunhu avanoshandira.

“Ndinonzwisisa kuti bazi redzidzo richange richipinza mabasa varairidzi vanosvika 2 300. Pamunovapinza mabasa, munotora here varairidzi vanenge vachiziva mitauro yemumatunhu avanenge vachienda kunoshandira yakadai seKalanga kana Tonga. Kutaura kwandiri kuita kuno kuAvoca, kudunhu reInsiza, kune mumwe mukuru wechikoro asingakwanise kutaura mutauro unoshandiswa ikoko. Ndinoda kuti ndizive gwara ramunotevedza pakupinzwa varairidzi basa,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti zvichida mukuru wechikoro wekuAvoca uyu anogona kunge akakwidziridzwa pabasa rake achipihwa chidanho chepamusoro.

Vanoti pakupinza varairidzi basa, bazi ravo rinotarisa zvinhu zvakasiyana izvo zvinosanganisira kuti vanofanira kunge vaine ruzivo pamusoro pemitauro inoshandiswa munzvimbo dzavanenge vachisevenzera.

“Kana tichipinza varairidzi basa tinotarisa zvakawanda, sekuti ticha anotarisirwa kunge achiita sei mubasa rake uye pane zvidanho zvitatu. Padanho rekutanga reECD A kusvika Grade 2 tinokoshesa mutauro unoshandiswa nevana pakudzidza. Danho rechipiri ndereGrade 3 kusvika 7 kozoita retatu rekusekondari.

“Sezvamunoziva, mugwaro redu rekuvandudza dzidzo reNew Curriculum, padanho rimwe nerimwe pane zvinenge zvichidzidzwa. Tinozopinza varairidzi ava mabasa tichitarisa zvinenge zvichidiwa padanho rimwe nerimwe,” vanodaro.

Muzvare Misihairabwi-Mushonga vanoti kana zvakakodzera, Dr Dokora munguva inotevera vanofanira kuuya mudare iri vachitura mashoko ane umboo hunoratidza kuti varairidzi vari kupinzwa basa nebazi ravo vanenge vachivatora kupi.

“Nyaya iyi tave nenguva tichitaura nezvayo. Tinoda kuziva kuti sezvo muri kuti munoda varairidzi 2 300, muuye negwaro kudare reParamende rinoratidza kuti varairidzi ava munenge mavatora kupi pamwe nemitauro yavanoshandisa,” vanodaro.Dr Dokora vanoti pakupinza varairidzi basa, havatarise nyaya dzemitauro chete asi kuti nezvimwewo zvakasiyana.

“Hazvirevi kuti tinopinza varairidzi tichitarisa nyaya dzemutauro chete. Kwete, kwete, kwete, handipo pane nyaya. Unokwanisa kuve nechikoro chose chine vana vanenge vachitaura Ndebele asi dzimwe nguva pasina murairidzi weMathematics, Science nezvimwewo zvidzidzo zvatinenge tichitarisa. Saka tinotarisa mamiriro anenge akaita zvinhu, chakakosha ndechekuti padanho reECD kusvika Grade 3 vana vange vachifundiswa nemitauro yavo,” vanodaro.

Mitauro inocherechedzwa mubumbiro remutemo weZimbabwe ndeinoti Chewa, Chibarwe, English, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Shona, sign launguage, Sotho, Tonga, Tswana, Venda neXhosa.

Share This:

Sponsored Links