‘Tinokwanisa kuunza mutsauko pagomarara’

04 Feb, 2016 - 23:02 0 Views
‘Tinokwanisa kuunza mutsauko pagomarara’

Kwayedza

MAIZVIZIVA here kuti chirwere chegomarara hachitapukire?

Kungave nemumwe angatye kuchengeta hama kana mudiwa aita gomarara achiti zvingandiwane.

Pasi rose musi wa4 Kukadzi izuva rakatarwa kurangarira chirwere chegomarara. Zuva iri ndiro ratingadzamise pfungwa kurerutsa ndima yevanorarama negomarara uyewo kuyeuchidzana zvatingaite panhau yegomarara sezvo iwe neni tiine basa.

Dindingira regore rino rinoti: “Ndinokwanisa, Tinokwanisa’. Aya mashoko akadzama nekuti pamwe chete tinokwanisa.

Vesangano rinonzi The Union avo vanoshanda munhau dzezvirwere zvemapapu vanoti chenjedzo chinhu chinofanirwa kugara chichitaurwa kuitira kuti dzimwe mhando dzegomarara dzinogona kutipfuura dzisawanikwe dzichitambarara muvanhu.

“Gomarara remapapu ndiyo mhando inouraya vanhu vazhinji pasi rese. Vanhu vanosvika 1,59 miriyoni vanoenda kwamupfiganebwe negomarara remapapu,” rakadaro sangano iri.

Rinoti pane zvinhu zvinokuchidzira gomarara remapapu uye vanhu vanofanira kuziva kuti pane nzira dzekudzikisa njodzi iyi.

“Kuputa fodya kunokonzera ndufu makumi manomwe kubva muzana (70%) dzevanhu vanoenda kwamupfiganebwe nekuda kwegomarara remapapu,” rakadaro The Union.

Vanhu vasingaputi fodya asi vachishandira munzvimbo dzinogadzirwa fodya vanowanikwa vachipindawo parumananzombe.

“Vanhu vasingaputi fodya asi vachishandira munzvimbo dzinogadzirwa fodya vanowanikwa vachiva panjodzi yekubatwa nezvirwere zvinobva mufodya. Kune vamwe vasina kubvira vakaputa fodya asi vakaongororwa mapapu avo anofanana neemunhu aiputa fodya. Izvi zvinokonzerwa nekusangana neutsi hwefodya munzvimbo dzekutandarira, mumabhazi kana mumabasa. Naizvozvo fodya haitenderwi zvachose kuputwa pane vamwe,” rakadaro sangano iri.

Zvinonzi munhu anoputa fodya anozviisa panjodzi yekubata gomarara remapapu nezvikamu makumi maviri nezvitatu kubva muzana.

Vanhu vanofanira kufema mweya wakachena asi nenhau yekuti vanoputa fodya havazvitevedzeri ruzhinji runowanikwa ruchihakira mweya weutsi uye mukusaziva pachirungu inonzi “passive smoking”.

Vanogadzira fodya vanofanira kunyora nekuzivisa njodzi inobva mukuputa fodya iyi.

“Vemakambani anogadzira fodya vanofanira kunyora zvinoonekwa nemavara makuru njodzi inokonzerwa nekushandisa fodya,” yakadaro The Union.

Ngatichimbotorai bhokisi refodya, hongu rakanyorwa kuti kuputa kungangokonzera njodzi kuhutano hwako nemavara madiki-diki chaiwo zvekuti ukasatarisisa hauaone.The Union yakazivisa kuti kune dzimwe mhuri dzine nhorowondo yekubatwa negomarara naizvozvo kana mumhuri menyu makadaro pota uchiongororwa gomarara ringave remapapu, remazamhu, remuchibereko kana reganda.

Gomarara rinogara pese-pese asi remapapu ndiro radonhedza vanhu vakanyanya kuwanda pasi rese.

Zvinokurudzirwa kuti kana munhu aputa fodya kwemakore gumi nemashanu apote achiongororwa gomarara remapapu.

“Vanhu vakaputa fodya kwemakore anosvika gumi nemashanu zvichidarika vari panjodzi huru yekuita gomarara remapapu. Vanhu vava nemakore makumi mashanu zvichikwira vanofanira zvakare kutariswa gomarara remhando iyoyi nguva nenguva,” rakadaro sangano iri.

Gomarara remapapu rinonzi rauraya vanhu vakawanda pasi rese kupfuura vakafa nechikosoro chetuberculosis (TB), HIV neAids pamwe nemalaria.

Zvakaonekwa zvakare kuti pavanhu vashanu vanofa nekuda kwegomarara, mumwe chete wavo anofa negomarara remapapu.

Kuvanhu vanorarama neutachiona hweHIV vari panjodzi huru yekurwara negomarara. Vanhu makumi manomwe kubva muzana vane gomarara vane utachiona hweHIV zvakare.

Kana gomarara remapapu richigona kutapudzika nekusaputa fodya, iwe neni tinokwanisa kusaputa.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links