‘Tinoramba tichipa chikafu muzvikoro’

18 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
‘Tinoramba tichipa chikafu muzvikoro’

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari Dr Lazarus Dokora vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro chicharamba chichienderera mberi — mungave munguva yenzara kana yemaguta — sezvo chichibatsira zvikuru kuti vadzidze vakasununguka.

Vakataura mashoko aya vari paMatenda Primary School, ku- Zvishavane apo vaiparura chirongwa chekuwanisa zvikoro zveko mvura yekushandisa, cheWater Source Development Project icho chakaona zvibhorani 11 zvichicherwa nguva pfupi yadarika.

Chirongwa chemvura ichi chiri kutsigirwa nesangano reWorld Food Programme rakabatana nemamwe anoti Adventist Development neRelief Agency Zimbabwe.

“Nzara nehurombo zvinoita kuti vana vakundikane kubudirira mudzidzo yavo nekudaro Hurumende ichaenderera mberi nekupa vana zvekudya muzvikoro zvisinei nekuti munyika mune nzara here kana kuti maguta.

“Zvibhorani izvi zvichabatsira muutano hwevana vechikoro nekuti vachakwanisa kurima mapindu epachikoro,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti mabhindauko aya auya panguva yakanaka apo vana vari kuita zvidzidzo zvekurima pasi pechirongwa cheNew Curriculum Framework (2015-2022). Zvishavane ine vana 24 000 avo vari kuita dzidzo yepuraimari ne10 400 vesekondari.

Zvimwe zvikoro gumi zvinoti Mapedza, Gwemombe Dip, Gwemombe Langwani, Zungwi, Makovere, Woodlands, Fishu, Venge, Shiku neTom Chibi zvakabatsirwawo nezvibhorani newaya yeruzhowa.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, director weWFP, VaEddie Rowe, vanoti vacharamba vachitsigira nharaunda dzakasiyana kuti dziwane mvura yakachena uye iri pedyo.

“Basa redu richaramba richienderera mberi apo tinenge tiri kutsigira Hurumende muzvirongwa zvayo sezvekuwanisa vana vechikoro zvekudya munyika.

“Tarisiro yedu huru ndeyekuona vana vachirarama upenyu hunoendeka uye vachibudirira mudzidzo yavo,” vanodaro. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links