‘Tinorwira murume, pfuma’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Tinorwira murume, pfuma’

Kwayedza

Garnet Zvimba
VAKADZI vaviri vari pachipari, avo vanoti vanogarorwira murume pamwe nepfuma, vakazoendesana kudare apo mumwe wavo aiti apfidza nekuzvindikitwa. Tsitsi Masawu akamhan’arira Emily Maradza kuHarare Civil Court achida gwaro rerunyararo apo aiti anouya pamba pake achimurwisa pamwe nekumutukurira.

“Chikumbiro changu kudare kuti mudzimai uyu asiyane nekuuya kumba kwangu achindirwisa nekundituka pose patinosangana. Nguva yapfuura akauya kumba kwangu nehama dzake vakandirwisa zvose nemusikana wangu webasa ndikatokuvara. Nyaya yatiri kunyanyonetsanirana ndeyekurwira murume nepfuma,” akadaro Masawu.

Achibvunzwa nedare kuti anoti kudii nechikumbiro chaMasawu, Maradza akati iye ndiye anotorohwa apo Masawu anenge achimukutsirana nemurume wavo.

“Ndinopikisana nemashoko ake aya nekuti ivo ndivo vari kutondiitira hondo nevana nemurume wedu uyu. Patori nemumwe musi apo ndakawanikidzwa nevana vacho vaine kombi vakandirova, vakandizvuzvurudzira mukombi yavaiva nayo zvekutoti ndakatomhan’ara kuWaterfalls Police Station nyaya yacho.” Mutongi Ruth Kamangira-Samukange akati Maradza achengetedze runyararo pakati pake naMasawu.

Share This:

Sponsored Links