Tinotsigira dzidzo: nash Paints

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Tinotsigira dzidzo: nash Paints DR TAGARIRA MUTENGA

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu naMalven Mugadzikwa KAMBANI inogadzira nekutengesa pendi yeNASH Paints inoti yakazvipira kutsigira dzidzo yemuZimbabwe.

Vachitaura pakupihwa mibairo kuvana pamhemberero dzeHarare Metropolitan Provincial Merit Awards idzo dzakaitirwa paCelebration Centre, muHarare, chamangwiza wekambani iyi – Dr Tagarira Mutenga – vanoti vane chishuwo chekudzorera kunharaunda kuburikidza nekutsigira dzidzo.

“SeNASH Paints, hazvisi zvitsva kuti tinobatsira mune zvedzidzo, kwemakore gumi adarika tanga tichingobatsira mukusimudzira dzidzo munyika ino kuburikidza nezvirongwa zvakasiyana vavariro iri yekuti tipewo ruzivo kuvana pamwe nekuvandudza hunyanzvi hwavo kuitira ramangwana apo vanenge vapedza chikoro,” vanodaro Dr Mutenga.

Vanoenderera mberi vachiti: “Ndinotenda dunhu reHarare Metropolitan Province nekundisarudza kutaura pachiitiko chakakura kudai.

“Uyu mucherechedzo wekudyidzana kwakanaka kuri kuita kambani yedu nezvikoro. Ndinoda kutenda vadzidzisi nevanotungamirira dzidzo nekuti gungano rino rinoratidza kuti Harare iri kuzadzikisa zvinodiwa nebazi redzidzo.

“SeNash, tinotenda basa riri kubatwa kuti vana vazokwanisa kuwana mibairo yavari kukumba pazuva ranhasi kudai.”

Dr Mutenga vanoti nguva ino yava kuda kuti vana vadzidze vachiwanawo mikana yekushanyira makambani akasiyana anoita mabasa anoenderana nezvavanenge vachidzidza.

Izvi, vanodaro Dr Mutenga, zvinoita kuti zvikoro zvibure nyanzvi dzekushanda muindasitiri zvinova zvinosimudzira upfumi hwenyika.

Vanoti makambani mazhinji munyika ane basa guru rekuvandudza madzidziro evana kuburikidza nekubatana nezvikoro mukuumba hunyanzvi muvana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey