‘Tipeiwo mukana’

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Tipeiwo mukana’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
CHIKWATA chine mukurumbira wenziyo dzechitendero cheVadzidzi Vekutanga chinoti chishuwo chavo chikuru sevaimbi venziyo dzechipositori ndechekuwaniswa mikana yakakwana yekuridza kumashoo nekune zvimwe zvirongwa zvakasiyana zvinoungana vaimbi.

Mukuru wechikwata ichi – Richard Mapfumo – akataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mushure mekubura kambo kavo katsva kanonzi Inguva Chete ako vakaimba vakabatana nevamwe vaimbi.

“Pakambo kedu katsva aka, takabatanawo nevaimbi vechipositori vezvikwata zvakasiyana- siyana kuitira kuti vazivikanwewo kuti vachiriko. Zvikwata zvevaimbi vechipositori izvi zvizhinji zvacho zvakaita mbiri pakutanga kwazvo asi parizvino zvakanganikwa neveruzhinji. Rimwe dambudziko rinosangana nezvikwata izvi nderekuti hazvisi kuwana mukana nenguva yekuridzawo kumashoo akasiyana nekuda kwemhando yenziyo dzavo idzo dzakanangana nekutendeutsa pamwe chete nekuparidzira veruzhinji,” anodaro Mapfumo.

Mapfumo anoti kambo kavo – Inguva Chete – kakanangana nekuparidzira vanhu kuti vasarase tariro kune zvavanokumbira kuna Mwari.

“Mukambo aka tiri kudzidzisa vatendi kuti patinokumbira kuna Mwari vanotipindura uye chinenge chasara kuzadzikiswa kwezvatinenge takumbira. Vatendi vanofanira kuziva kuti Mwari vane nguva yavo yezvatinenge takumbira uye havatipindure patinenge tichifungidzira. Kune vamwe vaya vanotsanya votarisira kuti mhinduro ichauya ipapo zvoramba vobva varasa tariro,” anodaro.

Mapfumo anoti vari kutarisira kubuditsa dzimwe nziyo dzakawanda vakabatana nezvimwe zvikwata izvi.

Vaimbi vezvikwata zvechipositori vavakabatana navo vanosanganisira Docus Chibgape weVabati Vevhangeri, Tendai Chivambe weChiedza Chevatendi, Munyaradzi Munodawafa naMai Mercy Guvamombe veKuwadzana Apostolic Choir.

Mashoko ake anotsinhirwa nemunyori mukuru wechikwata cheVadzidzi Vekutanga – Tawedzerwa Moyo – achiti zvakakosha kuti vaimbi venziyo dzechipositori vabatane.

“Kusangana kwatakaita uku kunobatsira chaizvo nekuti tikabatana tinoisa pfungwa dzedu pamwe chete tovaka chinhu chikuru. Zvinobatsirawo pakuti tinodzidza zvinhu zvitsva izvo tanga tisingagoni takazvimirira sechikwata. Kubatanawo nerimwe divi inzira yekukwezva vatsigiri,” anodaro.

Chikwata cheVadzidzi Vekutanga parizvino chiri mubishi kugadzira vhidhiyo rekambo aka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey