‘Tiri kuita ongororo yematicha’

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views

Kwayedza

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuita ongororo yehuwandu hwevadzidzi vari muzvikoro zvepuraimari nesekondari nedonzvo rekuti pave nevarairidzi vanokwanirana.

Dr Dokora vakataura mashoko aya svondo rapera mudare reNational Assembly apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weShamva South, Cde Joseph Mapiki.

Cde Mapiki vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende mukuona kuti huwandu hwevana vechikoro huri kukwanirana nevarairidzi.

“Hurumende iri kutora matanho api, zvikuru munzvimbo dzakagariswa vanhu patsva uko kumwe kwacho kune zvikoro zvekuti vana vanenge vari 700 asi paine mudzidzisi mumwe chete anenge achifundisa vana vose ava kubva Grade 1 kusvika 7? Mutemo weHurumende wakamira sei maringe nehuwandu hwevadzidzi nevarairidzi?” vakadaro.

Dr Dokora vakati pane hurongwa hwekuti bazi ravo ribatane nerinoona nezvevashandi mukuita ongororo yehuwandu hwevadzidzi vari muzvikoro.

Vanoti komisheni inopinza vashandi veHurumende basa, yePublic Service Commission, ndiyo yakakumbira kuti ongororo iyi iitwe.

“Hurongwa huripo ndehwekuti bazi redzidzo yepuraimari nesekondari nerevashandi tibatane mukuita ongororo yehuwandu hwevadzidzi vari muzvikoro sechikumbiro chePublic Service Commission. Public Service Commission inozoona kuti huwandu hwevadzidzi hwakaringana here nehwevarairidzi.

“Takaona kuti tikaita ongororo iyi temu ino ichangotanga, hataikwanisa kuiita zvakanaka nekuti kune vamwe vadzidzi vanonoka kutsvaga nzvimbo nemamwe maticha anozopinzwa basa pave paye. Izvi zvaizove nematambudziko akaita sekuti makirasi ove nevana vakawandisa asi vadzidzisi vari vashoma. Saka zviri kuitika pari zvino ndezvekuti tave kuita ongororo iyi pakati pebazi rezvevashandi rakabatana neredzidzo yepuraimari nesekondari,” vakadaro Dr Dokora.

Vachipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weChegutu West, Cde Dextor Nduna, Dr Dokora vakati Hurumende munguva pfupi iri kutevera ichatanga chirongwa chekupa vana vari kumatunhu akatarisana nenzara chikafu chekudya panguva iyo vanenge vari kuchikoro.

Cde Nduna vakange vati kune vamwe vana vari kufamba nzendo refu kuenda kuchikoro pasina chavanenge vadya izvo zviri kukanganisa dzidzo yavo.

“Pavanozosvika kuchikoro vanenge vaneta nekudaro havazokwanisa kudzidza zvakanaka. Munzvimbo yandinomirira yeChegutu, vana vari kufamba nzendo refu. Vamwe vacho vakatorega kuenda kuchikoro. Sebazi, ndeapi matanho amuri kutora kurwisa dambudziko renzara rakatarisana nevamwe vana vechikoro?” vakadaro.

Dr Dokora vakati ichokwadi kuti Zimbabwe yakatarisana nenzara uye Hurumende iri kutora matanho ekugadzirisa dambudziko iri.

“Sebazi, tiri kuzviziva kuti vana vakatarisana nenzara uye kuti dzimwe nguva vanodya kamwe chete pazuva. Avo vasina kutarisana nedambudziko iri ndeavo vanodzidza kumabhodhingi vanodya katatu pazuva.

“Takakumbira Hurumende kuti ibatsire padambudziko iri. Dare reCabinet rakatambira pfungwa yekuti pave nechirongwa chekupa vana vechikoro zvekudya chinonzi Zimbabwe School Feeding Programme,” vakadaro Dr Dokora.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>