‘Tiri kukoshesa Sign Language’

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Tiri kukoshesa  Sign Language’

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanoti Hurumende iri kushanda nesimba nechinangwa chekuti varairidzi vemutauro wemasaini (Sign Language) vange vachikwanirana nevana vane dambudziko rekusanzwa.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMashonaland Central, Senator Monica Mavhunga.

Sen Mavhunga vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri mukudzidziswa kweSign Language muzvikoro.

“Ndinoda kuziva kubva kugurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, kuti mutemo unoti kudii maringe nekudzidziswa kweSign Language muzvikoro zvedu zvose kuitira kuti vana vafundiswe. Tiri kuona kuti vanhu vane dambudziko rekunzwa vari kusangana nezvimhingamipinyi kana vachida rubatsiro kunzvimbo dzakadai sekuzvipatara kana kumwewo. Mutemo unoti kudii maringe nenyaya iyi?” vanodaro Sen Mavhunga.

Dr Dokora vanoti bazi ravo rinotora varairidzi veSign Language kubva kwakasiyana sekumakoreji ari pasi peHurumende anodzidzisa maticha pamwe nekune mamwe akazvimirira.

“Saka kana tichida kuti varairidzi veSign Language vange vachikwanirana nezvikoro zviri munyika yose, uyu mutoro mukuru kwazvo. Tiri kutaura pamusoro pezvikoro 9 000 saka zvinenge zvoreva kuti makoreji evarairidzi anenge ava kudzidzisa maticha eSign Language akawanda zvikuru,” vanodaro.

Dr Dokora vanoenderera mberi: “Pari zvino, tiri kutora varairidzi veSign Language vanenge varipo. Vamwe vacho vanodzidziswa nemakoreji akazvimirira, vamwe vanowana fundo iyi kuburikidza nekuvandudzwa ruzivo rwavo (workshops).

“Zvatiri kuita pari zvino ndezvekuti, varairidzi ava vane ruzivo rweSign Language vari kushanda sechikwata munharaunda dzavari apo murairidzi mumwe anofamba kuzvikoro zvine chitsama achiitisa zvidzidzo izvi. Sebazi redzidzo, tiri kuti chishuwo chedu chekuti tinge tiine varairidzi vanokwanirana nevana vane dambudziko rekusanzwa iri.”

Dr Dokora vanoti imwe nyaya ndeyekuti vana vane dambudziko – ringave rekunzwa kana mbeveve – vanowanzoenda kuzvikoro zvinodzidzisa vakaremara mitezo.

“Vanoenda kuzvikoro zvakadai seEmerald Hill. Tiri kuonawo kuti zvikoro izvi zvinodhura zvikuru uye nekuda kwekushomeka kwezvikoro zvemhando iyi, vana vose vane matambudziko ekuremara mitezo havakwanise kunge vachinodzidzako. Munyika yose, tine zvikoro 32 zvinodzidzisa Sign Language. Nekuda kwemamiriro ezvinhu akadai, tinovimba kuti nekufamba kwenguva tichange tave nevarairidzi veSign Language vanokwanirana,” Dr Dokora vanodaro.

Sen Mavhunga vanobvunza zvakare kuti pangave nemukana here wekuti Sign Language idzidziswe muzvikoro zvose zviri munyika?

“Pamwe handina kunyatsoburitsa mubvunzo wangu zvakanaka. Ndiri kuti zvinoita here kuti Sign Languange idzidziswe mumagwaro ose kuzvikoro?”

Dr Dokora vanoti chishuwo chebazi ravo ndechekuti mitauro yose iri 16 inocherechedzwa mubumbiro remutemo weZimbabwe – kusanganisira Sign Language – inofanira kukosheswa muzvikoro apo umwe neumwe unenge wakazvimirira sechidzidzo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey