Uncategorized

Tiri kusunga mahwindi: ZRP

01 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Tiri kusunga mahwindi: ZRP Chief Supt Nyathi

Kwayedza

Chief Supt Nyathi

Chief Supt Nyathi

MUTAURIRI wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanhu vanoita zvechihwindi vari kutopara mhosva nekuti pasi pemutemo havazivikanwe nekudaro mapurisa eZimbabwe Republic Police vakatotanga chirongwa chekusunga vose vanoita basa rehunhubu iri.“Pasi pemutemo, hapana chinhu chinonzi hwindi. Vanhu ava vari kutyora mutemo nekudaro isu semapurisa, tinovasunga tovaendesa kumatare edzimhosva uko vanopihwa mitongo yakasiyana yakaita sekubvisiswa faindi kana kugara mujeri.

“Tinokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire mahwindi pamakamba emapurisa ari pedyo navo uye kana vasina kugutsikana nemabatirwo anenge aitwa nyaya yavo, ngavakumbire kuona mukuru wekamba yacho. Tinoti zvakare varidzi vemabhazi nemakombi ngavarege kushanda nemahwindi nekuti izvi hazvisi pamutemo,” vanodaro Chief Supt Nyathi.

Vanoti pari zvino mapurisa ari kusunga mahwindi munzvimbo dzinosanganisira Mbare Msika.
Mahwindi ekuMbare svondo rapera akarwisa mutori wenhau weKwayedza, Kingstone Mapupu, ndokumukuvadza nekumubira mari.

Nguva pfupi yadarika, mapurisa akasunga mahwindi akakonzeresa rufu rwemudzimai ainge akazvitakura kuMbudzi, muHarare, apo vakamudhonzerana achida kukwira bhazi kuenda kuSouth Africa.

Nyaya iyi yatova kumatare edzimhosva.

Share This:

Sponsored Links