Tiri kuzvigadzirisa: Dokora

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Tiri kuzvigadzirisa: Dokora VaDokora

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti vari kutora matanho akakodzera kuitira kuti hurongwa hwekutanga kudzidziswa kwegwaro idzva redzidzo, reNew Cirriculum, muzvikoro hufambe zvakanaka.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly nguva ichangodarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProportional Representation, Mai Consilia Chinanzvavana.

Mai Chinanzvana vaida kuziva mafambisirwo ari kuitwa chirongwa cheNew Cirriculum muzvikoro vachiti chiri kusangana nematambudziko akasiyana. “Ndinoda kunzwa kubva kugurukota rezvedzidzo kuti chirongwa ichi chiri kufambiswa sei muzvikoro zvepuraimari nesekondari nekuti kubvira kutanga kwetemu ino, muzvikoro hamuna sirabhasi nemabhuku ekuverenga anoenderana neNew Cirriculum. Ndevapi vanodhinda mabhuku, kana varipo, vari kudhinda mabhuku ezvidzidzo zvitsva zvakadai sezveMass Displays?” vanodaro.

Dr Dokora vanoti bazi ravo rakaendesa sirabhasi yeNew Cirriculum iyi kuzvikoro richishandisa nzira yekuti ikwaniswe kuwanikwa kuburikidza nemakombiyuta (soft copy). “Sirabhasi iyi yakaendeswa mumwedzi waGunyana naGumiguru. Yakaendeswa kumizinda yeBetter Schools Programme (BSP) iyo inowanikwa kumaadmistrative districts anosvika 72 munyika yose. Nzvimbo idzi dzine michina yekudhinda pamwe nekufotokopa. Varairidzi nevakuru vezvikoro vanoungana munzvimbo idzi vachidzidziswa pamusoro pesirabhasi itsva iyi,” vanodaro Dr Dokora.

Izvi, vanodaro Dr Dokora, zvakazoteverwa nekuendeswa kwemasirabhasi akadhindwa kuzvikoro apo zvakavhurwa pakutanga kwetemu ino.

“Panyaya yemabhuku ekuverenga, hurongwa hwekushanda nemakambani anodhinda mabhuku hwagara huripo kubva kare, apo veruzhinji vaipa pfungwa dzavo pamusoro pegwaro iri. Ichokwadi, mugore ra2016, kuZIPAM, bazi redu rakazeya pamusoro penyaya iyi kwemasvondo ane chitsama apo raive nevatsigiri vezvedzidzo vanosanganira Unicef nevamwe,” vanodaro Dr Dokora. Vanoenderera mberi vachiti, “Tichitarisa mabhuku ange achishandiswa kubva kare, tiri kuti ndezvipi zvirimo zviri kuenderana nezvatiri kuda izvo zviri muNew Cirriculum. Kune zvimwe zvidzidzo zvitsva zvakaita seGuidance and Counseling zviri kuitwa kubvira Form 1 kusvika Form Six, izvo munhu wose anoona zvakakoshera vana vedu. Mabhuku ezvidzidzo zvakadai agara achiwanikwa pamisika inotengesa mabhuku. Saka mamwe emabhuku akagara aripo aya akavandudzwa kuitira kuti ange achienderana nezvinodiwa neNew Cirriculum.”

Dr Dokora vanoti pazvidzidzo zvakaita seMass Displays, bazi ravo mugore ra2012 rakatumira vadzidzisi vari pasi pemakore 35 okuberekwa avo vakabva kumapurovhinzi ose enyika kuti vanodzidziswa zvidzidzo izvi kunyika yeChina.

“Vakapedza mwedzi minonwe vachidzidziswa pamusoro pazvo. Vadzidzisi ava pakavadzoka kubva kuChina vakazofundisa vamwe vavo kumapurovhinzi nemadistricts. Hazvireve kuti tiri kungotangira pasina chiripo.”

Dr Dokora vanoti vachatura mashoko avo zvizere pamusoro penyaya iyi mudare iri nguva inotevera kuburikidza neMinisterial Statement uye, kana zvichibvira, bazi ravo rodzokera kuvanhu zvakare kuti rigonzwa pfungwa dzavo pamusoro pechirongwa cheNew Cirriculum.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey