‘Tiri vana vepfambi’

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
VANAKOMANA vaviri vakamisidzana naamai vavo mudare vachirwira imba yenhaka uye vanoti vanogara vachivaudza kuti vakaita chipfambi kuti vange vachivabara.

Tinashe Francisco naNigel Francisco vakaendera amai vavo, Janet Muchira, kudare reHarare Civil Court.

Tinashe anoti amai vavo vakavatiza vachiri vadiki asi vave kudzoka iye zvino vachida magwaro emba sezvo baba vavo vakashaya.

“Changamire, ndauya kuno ndichida gwaro redziviriro nekuti amai vatishungurudza. Vakatisiya tiri zvindumurwa ini nemunun’una wangu Nigel, asi iye zvino vave kudzoka vachitishayisa mufaro. Isu takachengetwa nababa nagogo ivo vari kuSouth Africa uye hapana kana chavaimbotibatsira nacho,” anodaro Tinashe

Anoti amai vavo vakauya vatora magwaro emba.

“Vakatora magwaro emba, hameno kuti vanomadii uye magwaro ekufa kwababa, asekuru neagogo saka vanenge vave kuda kuisa imba iyi muzita ravo. Amai vanofarira kubata mushonga saka tave kutya kuroyiwa.

“Vanotaura kuti hatisi vana vepo uye kuti vakaita chipfambi kuti isu tivepo. Kana chikafu chaicho hatibike tose nekuti vanoti ndinoda kukuurayai. Kana zvichibvira ngavabve pamba pedu vaende kumba kwavo,” anodaro Tinashe

Nigel anotsinhira zviri kutaurwa nemukoma wake achiti, “Ehe, ichokwadi amai vakatitiza ini ndiine makore matatu uye mukoma vaine makore mashanu. Ko iye zvino vave kudei? Ngavaende zvavo,” anodaro Nigel.

Muchira anopikisana nevana vake achiti haasi kuda kutengesa imba iyi.

“Ndinoramba zviri kutaurwa nevana ava, ndinogara ndiri mumatare pamusana pavo uye imba handisi kuda kuitengesa ini. Vanoshanda vana ava asi havadi kundichengeta, zvose zvavari kutaura kunyepa.

“Izvezvi handibike navo, mwana wangu musikana ndiye anotenga chikafu ivo hapana anondibatsira,” anodaro Muchira.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaTinashe naNigel achiti hapana umboo hunoratidza kuti vari kushungurudzwa.

Share This:

Sponsored Links