Uncategorized

TISHAMWARIDZANE

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views

Kwayedza

MURI kutsvaga shamwari yechirume kana yechikadzi here? Nyorai ku: Tishamwaridzane; Kwayedza, Box 396 Harare. Munogona kuunza matsamba enyu paHerald House muHarare kana kunyora paemail inoti: [email protected] kana kutumira sms panhamba dzinoti: 0714 200 007.

MAKADII veKwayedza? Vose vaifona pa0738 461 148 chiregai zvenyu ndakawana wandaida, ndatenda.
*****
Ndinonzi Trevor Mussa Brighton, ndine makore 21 uye ndinotsvaga musikana akanaka ane makore 18 kusvika 19. Ndibatei pa0774 809 519.
****
Makadii veKwayedza? Ini ndiri murume ane makore 33 nevana vatatu ndichishanda muHurumende kuChinhoyi. Ndinotsvaga musikana kana mukadzi akakura mupfungwa, ave kuziva upenyu uye asingazondishungurudze mukurarama wekushamwaridzana naye. Kana tadzidzana zvakafanira tozomisa imba. Vari kumhanya kana kunhanyiswa darikirai zvenyu. Nhamba dzangu dzinoti 0773 685 140.
****
Ndine makore 33 ndinotsvagawo murume anondiroora asina mukadzi ane makore 35 kusvika 45. Ndibatei pa0773 387 751.
****
Ndinotenda ndakazomuwana mukadzi wandaida saka vose vaifona pamwe nekundibata paWhatsApp panhamba dzinoti 0735 034 249 chiregai henyu.
****
Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 39 ndinoshanda muguta reHarare uye ndinodawo murume ane makore 41 kusvika 48, akavimbika anotya Mwari. Anoshanda ngaatumire sms pa0736 540 477.
****
Ndinotsvaga murume anondiroora, ndine makore 31 nevana vaviri. Ndiri HIV positive, vanoda fonai pa0774 214 057.
****
Ndiri mukomana ane makore 29 ndinotsvagawo musikana wekuroora akavimbika. Ndibatei pa0779 510 114.
****
Ndiri mukomana ane makore 26 ndiri kutsvagawo musikana anoenderana neni anoda kutariswa ropa. Ndibatei pa0774 082 687.
****
Ndiri mudzimai ane makore 37 nemwana 1 ndinotsvagawo murume ane makore 37 zvichikwira. Fonai pa0773 946 758.
****
Ini ndiri mudzimai ane makore 32 nevana vatatu ndinotsvakawo murume ari pachokwadi asingazondirwadzise zvakare. Munondibata pa0771 508 176.
****
Ini ndiri mukadzi ane makore 47 ndiri kutsvaka murume ane makore 50 zvichienda mberi, anonamata uye anoshanda. Ndibatei pa0713 166 900.
****
Makadii? Ndiri mudzimai ane makore 43, HIV positive uye ndinotsvagawo murume ari positive seni ane makore 60. Ndine vana vaviri, nhamba dzangu idzi 0777 907 939 asi vane vakadzi kwete.
****
Ndiri mukadzi ane makore 34, ndiri positive uye ndinoda murume ari positive. Ndiri kuGweru, anoda nhare dzangu idzi 0771 325 024.
****
Ndiri mukadzi ane makore 33 ndinotsvagawo murume ane makore 33-43 ane basa rakanaka, anoda zveimba uye ane rudo. Akavimbika ngaafone pa0736 651 140.
****
Ndiri murume ane makore 30 nevana vatatu, ndiri positive uye ndinodawo mudzimai ane makore 29 zvichidzika ane mwana kana asina anobva kuManicaland. Ngaave akazvipira kuvaka musha, ane mazirudo anotenda dzidziso yaMwari nekumutevera. Ndibatei pa0738 490 506 asi asina meso-meso.
****
Makadini veTishamwaridzane? Ndiri mukadzi ane makore 26 nevana vaviri ndinotsvaga murume ane makore 31 kusvika 36 ari negative akazvipira kunoongororwa ropa. Ndinoda mutema ane vana vaviri seni, anonamata uye asina hutsinye. Varume vevanhu nevemiyedzo kwete. Ndatenda, nhare dzangu idzi 0771 025 762.
****
Makadii veKwayedza? Ndiri mukadzi ane makore 28 nemwana mumwe chete ndinotsvagawo murume anoda zvemusha ane mwana wake ane makore 29 – 32, anoshanda nekuti ndinoendawo kubasa. Vanoda zvekutamba musafone henyu, nhare dzangu idzi 0783 691 030.
****
Makadii henyu? Ndiri murume ane makore 37 nevana vaviri ndinodawo mukadzi ane makore 25 zvichidzika asi vanoda mari chete kwete, ndapota hangu. Nhare dzangu 0775 341 518.
****
Ndinotsvakawo mukadzi anoda zvemba chete kwete kutamba, akanaka, ane vana vake chero asina. Asi ngaave anotamba nemvura seni, kunyanya mudzidzisi kana mukoti. Ndibatei pa0776 664 933, vemiedzo kwete.
****
Ndiri mudzimai ane makore 36 nevana 2 ndinotsvakawo murume wekudanana naye asina mukadzi ane makore 40 kusvika 50. Anoda ngaandibate pa0736 488 386.
****
Ndiri murume ane makore 29 ndiri kutsvaga mukadzi anoda imba ari pachokwadi. Ndakambonyorera asi ndiri kuwana matsotsi chete, sms kana kufona pa0783 339 170 asi vanobhipa kwete.
****
Ndiri murume ane makore 35, ndinotsvagawo musikana ane makore 22-25 asina mwana anobva kuGokwe. Fonai pa0779 255 188.
****
Ndiri murume ane makore 42 nevana vatatu ndiri kutsvakawo mukadzi anoda kuroorwa, anonamata pamwe nekutya Mwari ane vana 2. Anoshanda ari pachokwadi ngaandibate pa0773 085 903.
****
Ndiri shirikadzi ine makore 40 nevana 3, HIV negative uye ndiri kutsvagawo murume wekushamwaridzana naye akafirwa ane makore 45 — 60. Ndinobatika pa0733 115 396.
****
Ndiri murume ane makore 50 ndinodawo mudzimai ane makore 30 – 40 asina mwana kana akashaya mbereko. Ngaave asina zvipomerwa zveutachiona nokuti tichaenda kundotariswa ropa. Ari pachokwadi ngandibate pa0715 805 924 tione zvekuita.
****
Ndiri mukomana ane makore 27 ndiri kutsvaga musikana ane makore 20-26. Nhamba 0775 686 854.
****
Makadii veKwayedza? Ndiri murume ane makore 24 nemwana mumwe ndiri kutsvakawo mudzimai ane vana, kunyangwe vaviri ane mari yake. Anoda ngafone pa0783 867 123 asi vanobipa kwete.
****
Ini ndiri mukadzi ane makore 42 ndiri kutsvagawo murume ane makore 44 kusvika 50 anogona kutsvaga mari. Ini ndinoita basa remawoko, ndine vana vatatu handisati ndave kunwa mapiritsi. Ndakambonyorera asi ndaisangana nematsotsi saka ndinodawo munhu ari pachokwadi. Anenge andifarira anondibata pa0777 385 595.
****
Makadii veKwayedza? Ndiri mudzimai ane makore 31 nevana 3 ndinotsvagawo murume wekuita naye musha akavimbika, akafirwa ane vana vakewo 3 kana 4. Asina chirwere ndibatei pa0771 986 738.
****
Ndiri mukadzi ane makore 36 nevana 2 uye ndiri kutsvagawo murume ane makore 36-42 ari pachokwadi asina chirwere. Ndibatei pa0733 857 501.
****
Ndinotenda nechirongwa chenyu, ndakawana murume anondida saka vamwe chiregai henyu kufona pa0772 611 832.
****
Ndine makore 28 nevana 2, ndinodawo mukadzi anoda zvemusha akamboroorwa ane mwana 1 kana asina. Ndinoshanda nekugara kuBulawayo, andida nhamba dzangu 0716 428 572.
****
Ndakazoiwana shamwari yandaitsvaga, ndinokutendai kwazvo veKwayedza norubatsiro rwenyu. — 0715 222 530.
****
Makadii zvenyu veKwayedza? Ini ndiri mudzimai ane makore 44 ari HIV positive uye ndinodawo murume ari pachokwadi. Ndaneta nematsotsi vanoda kutamba musafone ndapota hangu. Ndinobatika pa0772 254 776.
****
Makadii? Ndiri murume ane makore 33, HIV positive uye ndinotsvagawo musikana kana mukadzi anonamata Johane Masowe weChishanu kana Jerusarema ane makore 18-24. Ndine makore 34, nhare dzangu 0771 861 116.
****
Ndiri mukomana ane makore 26 ndinotsvagawo musikana wekushamwaridzana naye ane makore 22 zvichidzika. Anodawo ngaandibate pa0736 021 160, asi achigara muHarare.
****
Ndiri murume ane makore 30 ndinotsvagawo mudzimai anoda zvemusha anonamata Mwari, anobva kudunhu reManicaland. Ndine vana vaviri uye ndiri HIV positive. Vanoda ndibatei pa0738 490 506.
****
Makadii zvenyu veTishamwaridzane? Ndiri murume ane makore 30 ndinotsvagawo muzvinarudo wechidzimai ane makore 25 zvichidzika. Ndine vana 2, andida nhamba dzangu idzi 0735 403 606. Ndatenda hangu.
****
Ndiri mukomana ane makore 27 ndiri kutsvaga musikana wokuroora ane makore 25 zvichidzika ari pachokwadi. Ndinogara kuChitungwiza anondida ngaafone pa0735 601 022.
****
Ndinotenda ndakamuwana mukadzi wandaida saka vose vaifona pa0734 934 007 chiregerai henyu.
****

Share This:

Sponsored Links