Toenda kusarudzo, tinozvireva!

10 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Toenda kusarudzo, tinozvireva!

Kwayedza

MWAKA wesarudzo wadongorera. Nokuti 2018 ndimangwana chaiye, saka Mukwende afunga kuti titange tamboyeuchidzana kuti chinonzi sarudzo chii. Kana uchisarudzwa, unosarudzwa kuti umirire ani; uyewo, kuti kana zvichinge zvazopera pane nhaka yako yatingatape here kubva mukumirira vanhu kwamakore akawanda? Nokuti vanhu vanongofunga kuti nhaka iyi (legacy) iri kuvatungamiri venyika chete?

Ko iwe mumiriri mudare reParamende; iyewewo mumuriri mukanzuru; uyewo imi mese mune zvigaro mumapato okuzvitonga — sarudzo dzinorevei?

Sarudzo dzinorevei kwamuri? Sarudzo zvinoreva mhirizhonga here vanhu vachitadza kubatana nokuita chinhu semhuri imwe chete? Kunyange kune nhengo dzinokwikwidza dzakazvimiririra, sarudzo nokuva mumiriri wavanhu zvinorevei?

Ngatipei muenzaniso weguta reHarare. Kana ukafamba guta rese, kusanganisira misha inogarwa navanhu, zvinokupa chivimbo here kuti kune vanhu vakasarudzwa kuve nhengo dzeParamende nemakanzura? Kana kuti unofunga kuti Harare inenge nherera yakaguta musi wafa amai, muna 2000?

Zvadzave pedyo kudai, vanhu ngavarege kuzeza kuti kwauyiwa, asi kuti ngavatambire sarudzo namawoko maviri sezvavakaita mugore ra1980, namamwe makore akazotevera.

Pane chakapa vanhu rufaro netarisiro yokuenda kusarudzo. Chikuru chacho chaive chokuti vatungamiri vakabva kuMozambique (President Mugabe), nokuZambia (Dr Joshua Nkomo) vaine mharidzo yaibva mubhuku rimwe chete — mharidzo yokubatana; mharidzo yorunyararo; mharidzo yokuti vasarudzwa vanosungirwa kushandira vanhu; mharidzo yokuita muonerapamwe kuitira kuti nyika ibudirire.

Nanhasi uno, President Mugabe vachiine mharidzo iyoyi, mharidzo yekususukidza ruzhinji rwavanhu.

Mumakore akazotevera, takazonzwa gamba renyika Cde John Landa Nkomo vave kugara vachiparidza kuti: “Runyararo rwunotanga neni; runyararo rwunotanga newe; runyararo rwunotanga nesu tese.” Vaidaro nokuti pane zvakavanzika, zvine pundutso zvinobva murunyararo irworwu — kubatana!

Shoko raMwari kuna Mapisarema 133 rinoti ipapo pane vakabatana nokuyanana, Jehovha vanoisa maropafadzo noupenyu husingaperi.

Saka tapedza sarudzo tochema nhamo nokutambura zvakare here, iwo mushonga wacho tichinge tautaya nokuramba kubatana? Dai pari pandari, ndiwo atinoti, marambadoro chaiwo.

Regai ndinange kune vandinoda kunanga — musangano uri kutonga weZanu-PF. Ndivo vakarwira rusununguko; ndivo zvakare vakaratidza kuti zvinogoneka kuti munhu mutema anokwanisa kutonga nyika nokuita zvinhu zvaifungidzirwa kuti ndezvavachena chete.

Kubva muna 1980 kusvika nhasi uno, musangano weZanu-PF uri kutonga, uye nhengo dzawo dziri kugadzirira kuti muna 2018 zvirambe zvakadaro.

Nokudaro, vanhu vatotanga kukwidza nokudzika, nokuti vanoda kuti musangano urambe uchitungamira nyika, vanhu vakabatana.

Asiwo, vana Mukwende pane zvatiri kunzwa nokuona. Tozvibvunza kuti musangano weZanu-PF wakamiswa negwara romusangano, zvokuti pakamiswa chiga chokuti vasingazive (“gwara romusangano”), ngavadzidziswe.

Kana bato riri kutonga reZanu-PF rikasatarisa nyaya yegwara romusangano, mumakore ari kutevera rupawo rwomusangano rwunenge rwusisazivikanwe.

Kana kutevera gwara romusangano kwakaunza rusununguko, nhasi uno gwara iri raipei?

Vanhu vari kushamisika kuti mubato ratonga nyika makore 37 mave kubuda mashoko okuti ava ndevokwanhingi, ava ndevokwangana.

Ah, kuda kuzvidambura-dambura kunge MDC. Yakatanga iri MDC, asi pasina nguva pakange pava neMDC-T, MDC-N, MDC99, Renewal Democrats of Zimbabwe, People’s Democratic Party, netwumwe twuchanyuka sarudzo dzave pedyo.

Nezuro chaiye Mai Joice Mujuru mutungamiri wekamwe kabato kanopikisa (Zimbbabwe People First) vaimbovewo nhengo yeZanu-PF nemutevedzeri womutungamiri wenyika, vakadzinga nhengo nomwe. Pasina nguva vachazadzikisa zvakataurwa naPresident Mugabe kuti tichanzwa kwave neZimPF Second, Third kana Fourth.

Hurubvu-rubvu uhu haungawanikwe muZanu-PF vakashingirira kubatana nokushingirira kwamakore anopfuura makumi maviri kuti vasvike pachinangwa chokusunungura nyika, vaisunungura voitonga vanhu vachibudirira. Saka hundingoveni hwatiri kuona huri kuunzwa navanhu vanoziva gwara romusangano here, uyewo vanhu vane zvido zvoruzhinji?

Kana vasingazive, ngavadzidziswe nokuti zviri pachena kuti zvakaitika kuMDC yaive nyaya yokuti wese munhu aiti ndini ndinogona kutungamira, uyewo ndini ndinogona kubvisa VaMugabe pachigaro. Hundingoveni hwakavabata kusvika nhasi uno vave kudzokera zvakare kumavambo — kubatanidzana vari zvikwata, zvikwata.

Hapana chisina mubairo, asi chinangwa ngachive chokuvimbika senhengo yomusangano, kuziva gwara romusangano, kudzizisa vamwe kusvika vese vanhu vave kuziva kuti musangano wakamira sei.

Tave pedyo nokupemberera makore 37 orusununguko, vanhu ngavadzore ndangariro, panoda kugadziriswa pogadziriswa kuitira kuti vanhu vasarudze vanhu vane hanya nebudiriro yavo neyenyika.

Gore rino denga rakanyemwerera saka nyika yakatarisira goho rakakura. Kana matura akazara, vhangeri resarudzo rinenge richitii, nokuti chirongwa chokurima cheCommand Agriculture chavhura vanhu maziso, zvokuti vave kuona kukosha kwehondo yeminda.

Saka yanga yakaipei kuti vanhu vabatane pachokwadi nokuti patiri kufamba nendima yesarudzo, tinezenge tave kutaura semazita edu, kuzvireva naMukwende. Rinenge rave jakwara ratinotiwo chihwerure hachiendi kumba. Nokuti kamwe kaitiro ikaka ndiko kanoita kuti pese pese pangonzi Zimbabwe, Zimbabwe kunge takadya zvevanhu, ivo vari ivo vakatirozva!

Share This:

Sponsored Links