Totokunya: Mutasa

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Totokunya: Mutasa

Kwayedza

Abel Ndooka —
MURAIRIDZI weDynamos FC, Lloyd “Samaita” Mutasa anoti chikwata chake chinofanirwa kurwa semvumba kuitira kuti chirambe chiri pamusoro pelog chigokwanisa kuhwina mukombe wePremier Soccer League mwaka uno.

Muhurukuro neKwayedza, Mutasa anoti pakatanga mwaka wePSL vashoma vaizvifungidzira kuti vachasvika pavave iye zvino.

“Kana Tenzi anesu hapana chinoramba, vazhinji vaifunga kuti hapana kwatinosvika asi takashanda nesimba kusvika patave. Isu tiri kufanirwa kuramba takashinga tichitamba nhabvu yedu yakasimba tigove shasha zvakare pakupera kwegore,” anodaro.

Zvakadai, rwendo rwekurwira mukombe wePSL parizvino rwatsvuka ropa apo pasara mitambo minomwe kuti mwaka wa2017 uchipera.

Zvikwata zvinoti Dynamos FC, Chicken Inn, FC Platinum neNgezi Platinum ndizvo zviri pamusoro pelog. Dynamos yakapedzisira kuhwina mukombe uyu mugore ra2014 apo yaitungamirwa naKalisto Pasuwa uye svondo rino ichasangana neHarare City kuRufaro Stadium.

Chicken Inn – iyo yakatora mukombe uyu mugore ra2015 apo yairairidzwa naJoey Antipas – ndiyo iri kutevera DeMbare palog. Vakomana vaRahman Gumbo svondo rino vachasangana neHighlanders mumutambo weBulawayo Derby kuBarbourfields.

KuZvishavane, Norman Mapeza akaudzwa nechikwata chake cheFC Platinum kuti anofanirwa kuhwina mukombe wePSL mwaka uno sezvo ave nemakore achiupotsa nepadiki.

Kubva FC Platinum yapinda muligi, haisati yambohwina mukombe wePSL. Kugona kunenge kudada kana kuti Pure Platinum Play sezita remadunhurirwa reFC Platinum, ichasangana neCAPS United svondo rino kuMandava Stadium.

Ngezi Platinum parizvino yakagara pechina palog uye iri kufemera mugotsi meDynamos, Chicken Inn neFC Platinum.

Svondo rino chikwata chaTonderai Ndiraya ichi chichasangana neTsholotsho kuBaobab Stadium.

Zvimwe zvikwata zvinogona kuwana mukana wekuhwina mukombe wePSL – asi hunge kana zvina zviri pamusoro pelog zvikakundwa mitambo yazvo yese iri nomwe – iCAPS UNITED neZPC Kariba.

Nekune rimwe divi, Bantu Rovers, Tsholotsho neHwange zvinofanirwa kukwidziridza masokisi azvo kuti zvisaburitswe muPSL gore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey