Tsaona shoma, vanhu vafare!

02 Apr, 2015 - 21:04 0 Views
Tsaona shoma, vanhu vafare!

Kwayedza

KUTANGA neChishanu chino kusvika neMuvhuro unotevera Zimbabwe inenge ichibatana nepasi rose mukupemberera zororo rePasika.
Iyi inguva yekuti vatendi vemakereke akasiyana vanenge vachirangarira kufa pamwe nekumuka kwaJesu Kristu. Panguva iyi zvakare, vashandi vakawanda vanenge vasingaende kumabasa, vakazorora. Naizvozvo kunenge kusingadanwe anonzwa kumativi mana enyika. Kune vasingaende kuchechi, vanenge vachifarawo nenzira dzakasiyana. Chakakosha kufara murunyararo. Nekuti kune vamwe vaya vanoda kuita zvehunhubu zvakaita sekurwisa vamwe kana vadhakwa zvekusaziva kwekuisa musoro. Asika, ivava ngavazive kuti vanamugaradzakasungwa vanenge vakavamirira.

Panguva yezororo iyi, veruzhinji vanotorawo mukana uyu kuti vange vachienda kunzvimbo dzakasiyana idzo dzinosanganisira kumaruwa vachishanyira hama neshamwari. Ndiyo nguva zvakare apo tsaona dzemumigwagwa dzinowanda. Nekudaro zvakakosha kuti vatyairi vedzimotokari vafambe zvakadzikama vachitevedza mitemo yemumigwagwa.

Gore rapera, vanhu vanosvika 30 vakafa mutsaona dzemumigwagwa panguva yezororo rePasika. Muna2013 vanhu vanosvika 50 vakafa vamwe 273 vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa dzaisvika 424 munyika yose panguva yezororo iri.

Tsaona dzemumigwagwa dzinokonzerwa nezvakasiyana izvo zvinosanganisira motokari dzinenge dzisingakodzere kuve dzichifambiswa dzakaita sedzisina mabhureki kana kuti dzinenge dziine dzimwe mhosho. Dzimwe tsaona dzinokonzerwa nekumhanya kwakadarikidza kunoitwa nevamwe vatyairi izvo zvinoita kuti matayi apedzisire aputika kana kuti mota yobuda mumugwagwa apo mutyairi anotadza kuidzora.

Kune vamwe vatyairi vanotyairawo vakadhakwa vopedzisira vapinda kana kupinza vamwe mutsaona.
Sangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe gore negore rinogara richipa chenjedzo kune vatyairi pamwe neveruzhinji pamusoro pemafambiro akanaka anotarisirwa mumigwagwa.

Asi kune vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve vopedzisira vapinda muna taisireva. Veruzhinji vanokurudzirwa zvakare kuti vasakwire motokari kana mabhazi anenge akazarisa sezvo izvi zvichigona kukonzeresa tsaona.

Zvinokurudzirwawo zvakare kuti kana zvichigoneka, zvakanaka kufamba nzendo kunze kuchakachena pane husiku sezvo tsaona zhinji dzichinzi dzinoitika panguva dzehusiku nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Tinovimba, senguva dzose, mapurisa anenge arimo mumigwagwa kuitira vamwe vatyairi vasina hanya nekuchengetedza mitemo pakufamba. Asika, hazvidi kuti mutyairi amirire kuudzwa nemapurisa kuti mota yake haikodzeri kuve pamugwagwa kana kuti yakazarisa. Iye ngaaonewo oga zvakakodzera nezvisina, kwete kuda kungomirira kutinhwa semombe.

Nguva yePasika ndeyekufara nekudaro zvakakosha kuti vatyairi vachengetedze upenyu hwevafambi.
Tinokushuvirai zororo rePasika rakaropafadzwa.

Share This:

Sponsored Links