‘Tsigirai mapoka enhabvu epasi’

06 May, 2016 - 00:05 0 Views
‘Tsigirai mapoka enhabvu epasi’

Kwayedza

MUTUNGAMIRIRI weCUMA Football Academy — iyo inokwikwidza muDivision Two – Hurbet Manyowa anokurudzira makambani akasiyana kuti akotsvere zvikwata zvinokwikwidza mumapoka epasi anoti Division One, Two neThree sezvo ariwo anoumba hwaro hwevatambi vemangwana venyika.

Vatambi vane mukurumbira kuzvikwata zvikuru nhasi uno zvakaita seDynamos neHighlanders vazhinji vavo vakatangira kumapoka epasi aya uko vakabikwa tarenda ravo.

Manyowa anoti vakotsveri vanofanirwa kupa rutsigiro rwavo kuzvikwata zviri pasi kuti zvisimuke zvirwirewo kupinda muPremier Soccer League.

“Hatichade kuti zvikwata zvedu zvingove zvekubikira zvimwe vatambi isu tisina kwatinoenda, tinodawo kupinda muPremier League tigokwikwidzawo nezvikwata zvinosanganisira Dynamos FC, CAPS United, Highlanders nezvimwe.

“Vakotsveri ngavasanganodira mari muzvikwata zviri muPSL chete, ngavadirewo kune zvepasi sezvinoitwa kune dzimwe nyika kusanganisira kuSouth Africa chaiko,” akadaro Manyowa.

CUMA FC ndicho chimwe chezvikwata zviri kutamba nhabvu inonwisa mvura muDivision Two B sezvo yakwanisa kuhwina mitambo mitatu nekuita mangange kamwe chete. Mumutambo wekutanga yakakunda Kasambabedzi 3-2, Real Tigers 2-1, Eiffel Flats 3-0 ikazoita mangange 2-2 neSophron Academy.

Svondo rino ichasangana neKadoma Stars kunhandare yeRimuka Stadium.

Share This:

Sponsored Links