‘Tsigirai mutambo wegorofu’

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
‘Tsigirai mutambo wegorofu’

Kwayedza

AIMBOVA shasha yemutambo wegorofu, Rodwell Marowa, anoti zvakakosha kuti vakotsveri vatsigire mutambo uyu zvizere kuitira kuti vatambi vemuZimbabwe vakwanisewo kukwikwidza nevekunze zvemhando yepamusoro.

Muhurukuro naMarowa svondo rino kuRoyal Harare Golf Club uko kwaitambirwa mutambo weGolden Pilsener Zimbabwe Open akati zvinosuwisa kuti mutambo uyu wave kungohwinwa nevatambi vekunze kwenyika.

Anoti vatambi vemuno vari kukundikana kubudirira sezvo havasi kuwana nguva yekugadzirira yakakwana nekuti mitambo mishoma iri kurongwa kuti vagokwikwidza.

“Vatambi vedu vazhinji vari kusaririra kumashure nekuti havasi kuwana rutsigiro rwakakura mumutambo uyu. “Makambani akasiyana uye nevakotsveri kana vakadira mari mumutambo uyu zvinopa vatambi vemuno mukana wekugadzirira zvakasimba zvekuti kana vave kupinda mumitambo mikuru yakaita seGolden Pilsener Zimbabwe Open vanogona kukwikwidzawo zvepamusoro,” akadaro.

Marowa akaenderera mberi achiti vatambi vazhinji kana vaita mukurumbira vanoenda kunotambira kunze kwenyika uye vamwe vacho havadi kuzodzoka kuzokwikwidza mumitambo yemunyika mavo.

Akapa muenzaniso waBrendon de Jonge uyo ave kutambira kuUnited States of America waakati anoda kumuona achidzoka kuzokwikwidza mumitambo yemuZimbabwe.

“Dambudziko rine vamwe vatambi vatinobika muno, kana aita mukurumbira haachade kuzodzoka kuzokwikwidza muno, hameno kuti sei. “Tinoda vatambi vedu vose vakwikwidze muno vasimudzire mitambo yemuno,” akadaro Marowa. Marowa, uyo ave nemakore 85 ekuberekwa, akatanga kutamba gorofu mugore ra1949. Musharukwa uyu akatamba nevatambi vakaita saLuis Muridzo (snr), Nick Price pamwe namushakabvu Luis Muridzo (jnr).

Pari zvino Marowa ave kutambira gorofu muHarare Seniors Golfers Association uye inhengo yeMount Pleasant Sports Club pamwe neHarare Country Club.

Zvakadaro, mutambo weGolden Pilsener Zimbabwe Open wegore rino wakahwinwa naDean Burmester chizvarwa chemuno icho chinogara kuSouth Africa uko anotambira chikwata cheShoeman Park Golf Club.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey