Tsigirai mwanasikana: Zifa

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Tsigirai mwanasikana: Zifa

Kwayedza

Abel Ndooka —
SANGANO rinotungamirira nhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association rinoti vabereki vanofanirwa kutsigira vanasikana vane zvipo zvemitambo yakadai senhabvu sezvavanoita kuvanakomana.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wemutungamiriri weZifa, Omega Sibanda, svondo rino apo maMighty Warriors ari kukwikwidza kumutambo weCosafa Women’s Championship uri kutambirwa kuBulawayo.

“Isu chishuvo chedu ndechekuti vanasikana vawaniswe mikana yakaenzana nevakomana uye ngavapihwe rutsigiro kunhabvu runopihwa vakomana. MaMighty Warriors edu agara anodadisa kazhinji saka ngativatsigire mumitambo yavo,” anodaro Sibanda.

Zvakadai, Sibanda anoti zvakakosha kuti nyika yose itsigire maMighty Warriors kumutambo weCosafa Women’s Championship.

“Sekuziva kwenyu mukombe weCosafa tisu tinawo uye tave nemakore mashanu tinawo saka hatidi kuti ubve muno, tinoda kuti tirambe tinawo,” anodaro.

Kare paimbove nekuchema-chema kuti maMighty Warriors aisachengetwa zvakanaka izvo zvakamboona imwe nguva vachidyiswa matemba vari mukembi yekugadzirira mitambo yavo.

Asi, Sibanda anoti zvinhu zvashanduka uye chikwata ichi chiri kuchengetwa zvakanaka chose.

“Chikwata chemaMighty Warriors chinochengetwa neZifa executive saka zvinoreva izvo kuti chiri kuchengetwa zvakanaka. Zvikwata zvedu zvese zvinopihwa ruremekedzo rwakafanana uye zvichichengetwa zvakafanana,” anodaro.

Mutambo weCosafa Women’s Championship une zvimwe zvikwata zvinoti Zimbabwe, Botswana, Kenya, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, South Africa, Swaziland neZambia.

MaMighty Warriors ari muboka rekutanga umo ari kusangana neMagadascar, Malawi neZambia.

MaMighty Warriors ndiwo ane mukombe weCosafa uyo akahwina mugore ra2011 mumutambo wakaitirwa muno apo akakunda South Africa 1-0 mufainari.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey