Uncategorized

Tsikamutanda akonzeresa

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Tsikamutanda akonzeresa

Kwayedza

VAGARI vekumaruwa akasiyana munyika vari kuchema-chema pamusoro pavanatsikamutanda avo vari kufamba kumatunhu akatsaukana vachipumha vanhu huroyi vachizosiya vavarozva pfuma inosanganisira zvipfuyo nemari.

Pasi wemutemo wenyika, imhosva kuti munhu aite basa rehutsikamutanda zvisinei kuti kune vamwe vatungamiriri vematunhu vakaita semasabhuku nemadzishe vari kurega vanatsikamutanda ava vachiita madiro.

Dare reCabinet nguva yadarika rakakurukura pamusoro penyaya iyi ndokuita chisungo chekuti vose vanoonekwa vachiita zvehutsikamutanda vasungwe sezvo iri mhosva.

Zvisinei nechisungo ichi, vamwe vanatsikamutanda vachiri kuenderera mberi nemabasa avo ekukonzera nyonganiso, kunyanya kumaruwa.

Vanatsikamutanda vakawanda vanonzi vanonyepera kuchenura misha vachiti vari kubvisa zvinhu zvinoshandiswa nevaroyi asi vari ivo vanenge vazviisa pakutanga.

Vanhu ava vanenge vari n’anga kana maporofita enhema.

Svondo rapera, rimwe remapepanhau eZimpapers, reH-Metro, rakaburitsa nyaya yemumwe muporofita wemanyepo, Madzibaba Starlin Nhamu, uyo akazosungwa nemapurisa achipomerwa tsika yekupota achiisira vamwe vanhu nyoka nezvikwambo mudzimba dzavo umo aizonoita hutsikamutanda nekuvapumha huroyi.

Vazhinji vevanhu ava vanonzi vanoisa zvinhu izvi muchivande mumisha yavanozoda kunochenura, dzimwe nguva vachishanda nevamwe vehukama vemumisha inenge ichinzi iri kuchenurwa iyi.

Vamwe vacho vanotora nechisimba zvipfuyo zvevanhu vavanenge vananga huroyi.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira purazi reParklands Farm riri kuNorton ndokuwana kuine mumwe tsikamutanda anonzi Punishment Kadozora (41), uyo anozivikanwa zvakare nekuti Dhumba, aine vamwe vake vachiti vaitsvaga varoyi.

Vazhinji vevanhu, kunyanya vakwegura, ndivo vainangwa huroyi izvo zvaikonzera kuti vasare vachirwisana nekuvengana.

Mumwe murume wekunzvimbo iyi, Sekuru Firody Mbedza (77), vanova chizvarwa chekuMalawi, vakashungurudzwa natsikamutanda uyu vachinzi vane mushonga wemubobobo.

“Mukuru iwe une mushonga wakaipa wekushinha nemadzimai pasina kubvumirana uye vasingazvizive wegondwawaturuka kana kuti mubobobo. Vakadzi vose nevasikana vari muno mukomboni wakavapedza zvisinei kuti unogara woga kumba kwako pasina mudzimai kana mwana,” anodaro Kadozora.

Sekuru Mbedza vakaramba nyaya yekuti vane mushonga wemubobobo.

“Ini handina mushonga wemubobobo,” vanodaro.

Sekuru Mbedza vakanzi naKadozora vabvise mombe yekuti vachenurwe mushonga wemubobobo wavakanzi vanayo uyu, asi vakamuudza kuti havana chipfuyo chemombe yaidiwa.

VaMushore Zuruvi Nerukawu (37) vanogara munzvimbo iyi vanoti anatsikamutanda vari kukonzeresa nyonga-nyonga munharaunda nekuda kwekunanga kwavanoita vamwe vanhu huroyi.

“Vakauya muno vanatsikamutanda ava, vanobvisa nyanga nezvimwe izvo zvisingapere sezvo vachidzoka vachizvibvisa zvakare wobva washaya kuti zviri kumbofamba sei. Iye mudhara uyu anzi ane gondwawaturuka uye chanetsa ndechekuti vanhu vave kusara vachiitana varoyi,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vanokurudzira veruzhinji kuti vamhan’arire vose vavanoona vachiita mabasa ehutsikamutanda.

Mukuru wemadzishe munyika, Mambo VaFortune Charumbira, vanotiwo madzimambo, masabhuku nevamwe vatungamiriri vematunhu vanodyidzana nanatsikamutanda vacharangwa zvakaomarara.

VaFriday Chisanyu, avo vanova sachigaro wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, kusanganisira maporofira, reZimbabwe National Practitioners Association, vanoti sangano ravo haritsigire zvachose zvinoitwa nanatsikamutanda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>