Uncategorized

tsikamutanda, mupurisa tiba!

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
tsikamutanda, mupurisa tiba!

Kwayedza

— Cst ndokutyorwa ruwoko
—N’anga yakakakachurwa dumbu

Blessings Chidakwa naKingstone Mapupu —
TSIKAMUTANDA wekuGweru — wekubuda muKwayedza achiti zvikwambo zvake zvakadzoka kubva kumumwe muporofita ane mbiri — nguva pfupi yadarika akaumburudzana nemurume anonzi mupurisa, ndokumusiya atyoka ruwoko apo vairwira nyaya isati yanyatsojekeswa.

Musiiwa Denhere anonzi akarwa naConstable Muzondo vanoshandira pakamba yeZRP Gweru Central uye tsikamutanda uyu anoti mupurisa uyu aimupomera mhosva yekuti anosvibisa zita remuporofita ane mbiri zvichitevera kuudza kwaakaita vemapepanhau achiti ari kurambira nezvikwambo zvake. Zvimbokoma izvi zvakaitikira pabhawa riri kuMkoba 20 uye aka kanonzi ndekechipiri vaviri ava vachirwira nyaya iyi.

Asi mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti kunyangwe zvazvo vasati vawana zvizere zvakaitika munyaya iyi, veruzhinji havafanire kurwisa mapurisa kana ari pabasa. “Handisati ndawana zvangu zvizere nekuda kwenyaya iyi, iyo ndichiri kutsvaga. Asi chokwadi chiripo ndechekuti hakuna munhu anobvumirwa kurova mapurisa – kunyangwe aita chii. Saka tinoti mapurisa ngavasunge n’anga kana kuti muporofita uyu,” vanodaro.Nyaya yaDenhere yakabuda muKwayedza svondo rapera pamberi achifara kuti zvikwambo zvake zvakadzoka kubva kune mumwe muporofita ane mukurumbira muGweru uyo waanoti airambira nazvo mushure mekunge ambozvitora apo tsikamutanda uyu akafunga kutendeuka kuchechi kwake. Pairwa vaviri ava, Denhere anonzi ndiye anonzi akatanga kurova mupurisa uyu chibhakera chematsenganzungu ndokuzomutyora ruwoko.

Mupurisa ari kunzi ndiConst Muzondo uyu akazodzorerawo nekuruma tsikamutanda uyu padumbu nekumupawo chibhakera chine mutinhimira chimwe chete.

Veruzhinji vaivepo vanonzi havana kuda kurandutsira zvimbokoma izvi sezvo vaitokuzirira vaviri ava.

Zvisinei, mumwewo munhu aidarika nepairwira vaviri ava ndiye anonzi akazorandutsira dzivo iri.

Muhurukuro neKwayedza, Denhere anoti muna Kubvumbi gore rino, akamboita mhere-mhere naConst Muzondo apo akamuvinga achimupomera mhosva yekusvibisa zita remumwe muporofita mukuru wemuGweru.

CHIEF-SPT-PAUL-NYATHI

“Mupurisa uyu akambondirova zvakare pabhawa ipapa patakarwira iye zvino, achinditi ndiri kusvibisa zita remuporofita wandaipomera kurambira nezvikwambo zvangu. Asi paakandirova handina kumudzosera hangu, ndakanomhan’ara kumapurisa avo vasina danho ravakatora,” anodaro Denhere. Anoenderera mberi achiti: “Kwapera masvondo maviri, mupurisa mumwe chete uyu akadzoka akatanga kunetsana neni nezvenyaya iyoyi futi. Apawo hasha dzakandibata ndikarwisana naye zvine simba, iye akazokuvara ruwoko ini akandiruma padumbu.”

Achitaurwa naye panharembozha yake, Const Muzondo akatsika-tsika nezvenyaya iyi. “Hongu, ndiri mupurisa anoshanda paGweru Central ndichigara kuMkoba 20, asi nyaya yamuri kutaura nezvayo – yetsiva – ini handiizive. Ndapota musandifonera zvakare,” anodaro achiramba kutaura zita rake rizere.

Zvakadai, Denhere munyaya yake nemuporofita ane mbiri wemuGweru anoti akange atora zvikwambo zvake zvine mazita anoti Chavasikana, Chamuropa naChamufodya apo aida kumuchenura nekumubatsira.

Zvisinei, Denhere akazofunga kuti muporofita uyu amudzorere zvikwambo zvake mushure mekunge ave kushaya zvinomuraramisa sezvo zvidhoma izvi zvichiita kuti awane mari kuburikidza nekushandira vanhu.

Share This:

Sponsored Links