Tsiva yobatanidza Sadc

27 May, 2016 - 00:05 0 Views
Tsiva yobatanidza Sadc

Kwayedza

KUSHOMEKA kwevakotsveri pamwe nemapuromota etsiva muZimbabwe kuri kuita kuti vatambi vazhinji vemutambo uyu vatizire kune dzimwe nyika dziri mudunhu reSadc uko vari kunosimudzirwa matarenda avo.

Vatambi vakaita saCharles Manyuchi, Tineyi Mharidzo, Tinashe Mwadziwana, Tapiwa Tembo naLawarence Moyo vari kutambira mutambo uyu kunyika dzakaita seZambia, South Africa, Malawi neNamibia.

Shasha yeWorld Boxing Council Welterweight Silver Champion, Manyuchi, anorongerwa mitambo yake neOriental Quarries yekuZambia.

Manyuchi pose paanohwina mitambo yake kuZambia vanopembera zvikuru sekupembererwa kwaanoitwa muZimbabwe.

Puromota wetsiva ane mukurumbira anovazve maneja wevatambi vane chitsama, Clyde Musonda, anoti kuenda kuri kuita vatambi vakawanda kunokwikwidza kunze kwenyika kuri kubatsira kusimbaradza hukama hwenyika dzemuSadc sezvo dzichibatana mukusimudzira mutambo uyu.

Musonda – uyo anotungamirira Deltaforce Boxing Academy – akabatana neNo Pain No Gain yekuMalawi iyo yakasaina vatambi vana vemuZimbabwe vanoti Mwadziwana, Nicola Mutonhora, Brian Mwando naTinashe Mutodza avo vairi kusimudzira. “Zvakanaka chose kuti vatambi vemuno vange vachitambira mitambo yavo kunze kwenyika. Takarasikirwa nevatambi vakawanda nekuda kwekushaikwa kwemapuromota muno. Vatambi vazhinji vange vave kusvika pakusiya mutambo uyu.

“Tange tangosarirwa nevatambi vashoma vaikwikwidza muno asi mapuromota ekune dzimwe nyika dzemuSadc vakazviona vega kuti muZimbabwe mune vatambi vane tarenda vakabva vatanga kuuya kuzosaina vatambi vemuno.

“Muenzaniso wakanaka ndiCharles Manyuchi, tarisai iye zvino Sadc yose pamwe neAfrica yose inodada naye,” anodaro Musonda.

Zvakadaro, puromota wetsiva ane mukurumbira kuMalawi, Craig Rousseau, weNo Pain No Gain Boxing Promotions anoti kubatana kwakaita sangano rake neraMusonda kuri kubatsira zvikuru mukusimudzira tsiva muSadc.

Rousseau anoti anoshanda nedzimwe nyika dziri muSadc dzinoti South Africa, Tanzania neNamibia kusimudzira mutambo uyu.

“Kupembera kunoita Zimbabwe kana Manyuchi ahwina mitambo yake ndikowo kwatinenge tichiita isu kuno nekuti tinomuona semwana weduwo sezvo tichibva muSadc tose. Tiri vamwe chete.

“Takabatana nenyika dzakawanda dziri kuSouthern Africa kuti tisimudzire mutambo uyu uye tinovimba kuti tichabika dzimwe shasha dzakawanda,” anodaro Rousseau.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>