Tsotsi guru rakapotserwa mujeri

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
Tsotsi guru  rakapotserwa mujeri

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MBAVHA gororo rekupfuvisa vagari vekuChitungwiza nekupaza dzimba dzinosvika nonwe ndokuba midziyo yakasiyana, yakazozvidemba mushure mekutongerwa nedare reko kupika jeri kwemakore 14.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Court, Oliver Mudzongachiso, akapa Washington Marunze (29) – uyo asina pekugara panonyatsozivikanwa – chirango chekugara mujeri kwemakore 14 azere mushure mekumubata nemhosva nomwe dzekuba.

Zvisinei nekuti Marunze anobvuma mhosva imwe chete yekutanga, akabatwa nemhosva nomwe mushure mekunge dare rawana umboo huzere hunomuroverera.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti munyaya yekutanga nomusi wa14 Ndira gore rino, mumhan’ari Omega Chikomo wekuUnit P, kuChitungwiza, akakiya misuwo yese yemba yake achibva aenda kunorara.

Pave pakati pehusiku, akamuka achida kudzima aramu yenharembozha yake achibva adzokera kunorara.

Panguva iyi, ndipo pakasvika Marunze achibva apaza musuwo ndokuba laptop yemhando yeLenovo, mapoto matanhatu esirivha, chikwama chaive nerezinesi rekutyaira uye nharembozha yerudzi rweSamsug Galaxy Ace achibva averera pasina akamuona.

Chikomo paakazomuka kunze kwayedza, ndipo paakaona kuti midziyo yake yakange isimo achibva anomhan’ara kumapurisa.

Mapurisa akashanda nekambani yeEconet kutsvaga kuti nharembozha yaChikomo yaishandiswa nani.

Kuferefeta uku kwakataridza kuti nharembozha iyi yaishandiswa naLovemore Mutongi anove akanongedzera mumwe anonzi Ben Mukumba achiti ndiye akamutengesera. Mukumba akazotungamirira mapurisa kunaJonathan Mukundwa anova akaudza mapurisa kwaive nemimwe midziyo kunaStanford Rusera kunova kwakawanikwa laptop. Rusera akadura Marunze semupari wemhosva zvikaita kuti asungwe.

Midziyo yainge yabirwa Chikomo yaikosha $650 uye yakawanikwa yose.

Munyaya yepiri, mumhan’ari Mitchel Mahachi (18) wekuUnit F, iko kuChitungwiza, nomusi wa22 Ndira gore rino akaenda kunorara munguva dzemanheru mushure mekukiya imba yake.

Husiku hwekare, musungwa uyu akashandisa mudziyo usingazivikanwe kupaza musuwo wemba ndokuraura bhegi diki raive ne$4, mbatya dzevana uye mushonga wekugadzira musoro.

Mahachi akamutswa neruzha rwakaitika pakuzvuviwa kwebhegi achibva amboedza kurwisana nemusungwa asi akakurirwa.

Akanomhan’ara kumapurisa uye ongororo yakaitwa yakaita kuti Marunze asungwe. Midziyo yakabiwa inokosha $65 uye hapana chakawanikwa.

Munyaya yetatu, Marunze akaba midziyo yaCharity Mudoti (32) wekuUnit P apo mumhan’ari aive arere musi wa7 Kukadzi gore rino.

Marunze akashandisa mudziyo usingazivikanwe mukuvhura hwindo ndokuraura bhegi dema raive nemayunifomu echikoro, laptop yerudzi rweAcer, mabhuku nemamwe mabhegi aive nembatya.

Mushure mekuferefetwa kwenyaya, matikitivha akabata Marunze uye anobvuma mhosva iyi.

Midziyo yacho yaikosha $499 uye hapana chakawanikwa.

Munyaya yechina, iyo yakaitika nomusi wa10 Kukadzi gore rino, Marunze akapaza imba yaMavis Kadzima (43) kuUnit F ndokuba magumbeze maviri, chitupa nenharembozha yerudzi rweSamsung.

Akaba midziyo iyi mangwanani apo mumhan’ari aiva mushishi kutsvaira chivanze.

Mukoma waKadzima, uyo ainge arere, ndiye akazomutswa neruzha rwakudhonzwa kwaiitwa mabhegi naMarunze achibva aedza kumutandanisa nerubatsiro rweveruzhinji asi vakakundikana kumubata.

Panguva yaaitandaniswa, Marunze akadonhedza nharembozha yake inova yakashandiswa nemapurisa mukuronda mudzimai wake, Jamelone Mushore, uyo akabvuma kuti inhare yemurume wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>