Uncategorized

tsotsi romera muchochororo

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
tsotsi romera  muchochororo Tawanda Mukuruzadoac

Kwayedza

Tawanda Mukuruzadoac

Tawanda Mukuruzadoac

‘Akaba matoki ndokushinhirwa’

‘Handisi tsotsi ini, kuroyiwa uku’

 Muchaneta Chimuka

MURUME wechidiki wekwaChikwaka, kudunhu reMashonaland East, akatarisana nedambudziko rinotyisa – anonzi ari kumera chinhu chinenge rembe kana kuti muchochororo pachirebvu chake – mushure mekupomerwa kuti iye nemumwe wake vakaba matoki kana kuti magarakuni emumwewo mugari weko ayo ainge rakagadzirwa nemishonga.Chava kunetsa ndechekuti muridzi wematoki iya, uyo anonzi ainge akaagadzira, akafa.

 

Mumwe anopomerwa kuba matoki pamwe chete nemurume ari kumera chinhu uyu anonzi akabuda pachena kuti vakaba muridzi wemagarakuni aya achiri mupenyu ndokubva aregererwa asi nyakumera chinhu uyu ndokutsika madziro achiti haasi tsotsi.

 

Mashoko ari kutenderera munharaunda inogara murume uyu anoti akaba nemumwe wake matoki maviri ayo ainge akapingwa nemushonga werukwa ndokudya nyama yacho.

 

Zvisinei, Tawanda Mukuruzado (31), wemubhuku raDera, uyo ane chinhu chinenge rembe kana kuti muchochororo murefu unenge wetoki pachirebvu chake ari kuramba kuti akaba matoki sezviri kutaurwa.

 

Vanotaura vanoti mazuva apera murume uyu aive nezvinhu zvakafanana nemuchochororo pagotsi pamwe nemumadatira ake izvo zvinonzi zvakazongonyangadika zvoga.

 

Mukubuda kwenyaya iyi, Tawanda anonzi rimwe zuva aikanya zvidhinha neshamwari yake inozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Bhabhu apo vakaona matoki aizvifambira.

 

Vaviri ava vanonzi vakafunga kupedza nhomba yenyama ndokupfura matoki maviri aya nerekeni achibva afa. Vanonzi vakadya nyama yacho. Vaenda kudzimba, vose vanonzi vakatanga kurwadziwa nemiviri yose nenzira isinganzwisisike. Bhabhu anonzi akanozvipereka kumuridzi wematoki ndokukumbira

 

ruregerero. Anonzi paakakumbira ruregerero, zuva remangwana racho Bhabhu akabva apihwa ndima yekugobora zvigutsa mumunda wemuridzi wematoki avainge vauraya vakadya, semuripo, marwadzo ndokupera.

Asi Tawanda anonzi haana kuda kuenda kunokumbira ruregerero izvo zvinonzi nevamwe veko zvakaita kuti amere twunyama twunenge muchochororo wegarakuni. Zvakare, zvinonzi akanzi aifanira kuripa mombe asi haana kuita sezvainge zvarehwa nevaridzi vetoki achizviti anotambura, kusvika muridzi wemagarakuni aya azofa nekurwara, asina kumuripa.

Asi Tawanda anoramba nyaya yekuti akaba matoki achiti hurwere hwake kuroyiwa.

“Izvozvi ndiri kurwadziwa zvikuru,” Tawanda akaudza Kwayedza apo aimononora bhandeji rainge rakasunga chinhu chinenge rembe kana kuti muchochororo wetoki pachirebvu chake.

“Ndave nemakore maviri ndichirwadziwa kudai, dzimwe nguva mapundu iwaya anobuda ropa zvisina zororo.

“Ndiri kusangana nerusarura rwekuti vamwe vanhu vari munharaunda vari kunditi ndakaba matoki emuvakidzani zvinova zvandisina kuita. Ini ndinovimba kuti ndakaroyiwa nehama yangu yepedyo (achidura hama yacho) zvekuti kana nanhasi uno hatitaudzane.

“Ndakazviudzwa kuchivanhu kwandakafamba zvichinzi akangozviitira chifunhu (godo) kana kuti kungosvotesa asi handina chandakamutadzira,” anodaro.

Anoti haasati aitwa ongororo yekuti paonekwe kuti mapundu aya uye kuzvimba kwakaita gumbo rake haangadaro aine dambudziko regomarara here.

“Ndakamborapwa kuNazareth asi iko zvino handichaendi kuchipatara nekuti n’anga yakandibatsira yakati ndikangoenda kuchipatara ndinobva ndafa nekuti hurwere hwangu hunofanira kuperera kuchivanhu.

“Asi ndikawana vanoda kundibatsira ndingatenda zvikuru nekuti ndarwadziwa. Kamwe kanyama kaive pagotsi kaibuda mvura inonhuwa, kamwe kaive pachipfuva changu kakangodonha kega pakasara paine ronda.”

Rimwe gumbo remurume uyu rakazvimba uye rasviba. Amai vake, Mai Lucia Dhina (78), vanoti havazive kwakabva dambudziko remwana wavo.

“Handizivi kuti zvakabva nekupi asi mashoko ekuti akaba matoki evanhu akasvika munzeve dzangu pamwe nenharaunda inotaura izvozvo. Ini ndakamubvunza akaramba asi ndakangonzwawo kuti vamwe vaakaba navo vakaenda kunokumbira ruregerero.

“Takambofamba naye kumaporofita nekuchivanhu asi hapana betsero. Kana kuchipatara kuNazareth akamboenda asi hatinawo mari yekuti aongororwe. Pamwe pacho ndinofunga kuti igomarara sezvo kwatakafamba hakata dzikakandwa vanoti haana kuba,” vanodaro Mai Dinha.

Vanoti dzimwe nguva anofuma akazvimba kumeso zvekutadza kuona.

“Kana mapundu iwayo akangomarwa bedzi semumwe musi waakamarwa newaya, akabuda ropa kubva kuma12 masikati kusvika na5 zuva rodoka tichingoisa machira nekudira mvura. Anoita kunge achafa saka tinototsvagawo rubatsiro rwekuti mwana wangu awane kupona nekuti ave nemakore maviri akangodaro,” vanodaro amai ava.

Vanoti kudai mwana wavo akabvuma kuti akaba, vangadai vakaedza kutaurirana nemunhu wacho kuti varipe asi akarambisisa uye kusvika nanhasi anongoramba.

Sahwira waTawanda, Lameck Mukaza (51) anotsinhira nezvenyaya yekubiwa kwematoki achiti inonzi inodyidzana nehurwere hwabhururu wake.

Mbuya Elizabeth Majeya (60), avo vanozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mai Matoki munharaunda iyi, ndivo vane murume anofungirwa kuti ndiye aive nematoki akabiwa asi vanorambisisa nyaya yekuti vakambobirwa magarakuni avo.

“Maita basa guru mauya kuzotora nyaya iyi, pamwe mungandichenurewo. Ndanzwa nekuvingwa nevanhu vachiti vanoda mushonga wekusota mbavha mushure mekutenderera kwemashoko anoti kune vanhu vakaba matoki pano vakamera muchochororo unenge wetoki.

“Zvose izvi ndinozviramba nekuti ini ndiri munhu anonamata kuZaoga uye ndinovimba naMwari mupenyu pane zvose. Handibati mishonga ini.

“Hongu, ndaive nematoki akawandisa pano, aisvika kuma80 asi iko zvino ndasara nemaviri, mamwe akapera nezvirwere. Murume wangu akashaya negomarara redundira,” vanodaro.

Vanoti Bhabhu, uyo anonzi akaba matoki pamwe chete naTawanda, akauya pamba pavo nguva yadarika achizobvunza nezvenyaya yekunzi akagoboreswa munda semuripo wekuba matoki aya.

“Ichokwadi, makuhwa aya atenderera zvikuru zvekuti ndiko kwave kudya kwevanhu zuva nezuva kumatsime nekuminda. Asi zvikaramba zvichitaurwa ndichasvitsa nyaya iyi kwamambo chaiko.

“Bhabhu akauya pano achiti ari kunzi nevanhu akagobora munda wangu sechirango chekuba matoki tikatoseka naye tikati mashoko evanhu nekuti hatina kumbopa munhu ndima pano,” vanodaro Mbuya Majeya.

Zvisinei, vanoti makuhwa iwaya ave kuvabatsirawo kuti vasabirwe midziyo yavo nekuti vanhu vave kungotya vachifunga kuti vane mishonga.

“Kudai ndiri guruvhani ndaiita mari nevanhu muno nekuti zuva nezuva vanouya vachikumbira mishonga asi ndichivati handiite zvemishonga. Vamwe vanotoita nharo vachifunga kuti handidi kuvabatsira.

“Chokwadi ndechekuti hatina kubirwa matoki pano uye hatina zvatakaita Tawanda, munhu ari kutozvirwarirawo zvake.”

Ambuya vaTawanda, Mai Nelisa Jackson (42), vanoti muzukuru wavo anombobuda mvura inonhuwa pamaronda ake asi haana mari yekuti anotorwa X-ray sekutaurwa kwazvakaitwa nemachiremba.

“Iko zvino mawana zvave nani, ave kutombodya nekufamba-fambawo achitsvaga twumabasa twekuita. Anoita mabasa ekuvaka migodhi. Akamboroora zvake asi akasiyana nemudzimai,” vanodaro.

Mudzimai wemukoma waTawanda, Juliet Chabaya (34), anotiwo: “Babamudiki vanogona kudaro vaine gomarara asi zvinoda machiremba kuti vaite ongororo. Nyaya yematoki takainzwa, kuti vanonzi vakaba matoki neshamwari yavo yavaikanya nayo zvidhina. Ivo vari kuiramba. Kudai vaibvuma taitsvaga nzira dzekuti tinoripira zvino nyakubirwa wacho akafa, ndiro dambudziko,” anodaro.

“Vamwe vaanonzi akaba navo vanonzi vakatopihwa ndima yekugobora zvigutsa mumunda vakadzikunurwa asi havachagari muno, vakatama.”

Vanoti semhuri, vakamboenda kunotsvaga rubatsiro kuGoromonzi Social Welfare asi vakaudzwa kuti kwakange kusina mari ndokunzi vaende kuParirenyatwa Group of Hospital.

Zvakadai, vamwe vemunharaunda vanoti vane fungidziro yekuti Tawanda haachakwanisa kuroyonoka sezvo zvichinzi munhu akamushinhirira nerukwa akafa.

“Isuwo takangonzwawo kuti kana ukasotwa nemunhu kana n’anga chaiyo ikangofa, waruza nekuti zvinenge zvisisagadzirisike. Kunyangwe ukatemerwa nyora dzekuti uroye nemunhu, kana akangofa hunetenge hwatove huroyi hweupenyu hwose,” anodaro mumwe mudzimai anogara mumusha uyu.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey