Tsumo dzinoreva zvakafanana

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
NGUVA yatava ino yava yekugadzirira mbuva yemberi. Tava kuti warova yake pabhande tsuro yezuva rovira. Kana vanhu vofamba rwendo rwurefu vanogadzirira mbuva iyo vanozorikita kana nzara yabata. Iyi imhaka yekuziva kuti rwendo rwunenge rwakareba sei.
Saka vana vava kunopedza gwaro rechinomwe (Grade Seven) vava kupinda rwendo rwurefu rweupenyu. Vachada kupinda chikoro chepamusoro kubvira gore rinouya vopedza makore matanhatu, voenda zvakare pamusoro kwemamwe makore anoraudzira. Izvi zvinoreva kuti rwava rwendo rweupenyu rwunotoda manyatera akasimba.

Zvinoreva kuti nhava yavo yechiShona inofanirwa kudzama kuitira kuti vagove nemaguta kana vofamba urwu rwendo.

Ndizvo zvaita kuti tichivarura nhava yechiShona chamandorokwati kuitira kuti vana vagopota vachivhura vachishandisa muzvinyorwa kusvikira vachembera. Haisi nyaya yekunyora chete asi nemukutaura. Chikamu chino chekuvarura nhava ndati ndimbotarisa tsumo dzinoreva zvakafanana. Kuti “Chara chimwe hachitswanyi inda” zvinoreva kuti kana munhu akashaya anomubatsira pamabasa ake haabudirire. Ndiyo tsumo yafanana neinoti, “Rume rimwe harikombi churu”. Ndipo panonzi navakuru basa mutembedzanwa.

“Kuseri kweguva hakuna muteuro” itsumo inoenderana neinoti, “Yadeuka yadeuka mvura yeguchu haiorerwi.”
Idzi tsumo dzinotsanangudza kuti kana chinhu chakakosha chikaitwa nemutoo usiriwo chinopedzisira chisisina basa nekuti hatichagone kuchidzorera pakare sezvachanga chakaita. Chatopera kana kuti chaparara.

“Akanga nyimo avangarara” itsumo inotodzana neimwe inoti, “Ateya mariwa murutsva haatyi kusviba magaro”. Apa zvinenge zvichidudza kuti kana munhu achinge azvipira kuita chimwe chinhu haachafaniri kutarisa zvakaipa zvinowanikwa pakuita chinhu ichocho. Anotofanirwa kutsungirira kusvika achiita.

Zvinonzi navakuru, “Muto wokupungurirwa haupedzi sadza.” Izvi zvinoreva kuti munhu vimba nechako nekuti chekupihwa hachiwande kusvika paunoda. Naizvozvo chero ukachishandisa sei, hachife chakakugutsa. Iyi tsumo inoenderana neinoti, “Mombe yekurongerwa kama wakaringa nzira.”

“Tsapata rukukwe hazvienzani nekurara pasi” itsumo inodyidzana neinoti “Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota.” Inoenderana zvakare neinoti, “Gengezha mukombe hazvienzanai nekunwira mudemhe”. Ndizvo zvimwe chete nekuti “ane ganda ane nyama hazvienzanai neasina.”  Vakuru vanenge vachida kuburitsa kuti kana munhu ainewo paakabata anenge ari nani pane uyo asina kana chaakabata.

Zvinonzi “Mazvokuda mavanga enyora”. Zvakafana netsumo inoti, “Chidamoyo zamu kumera pambabvu.” Ndizvo zvimwe chete nekuti “Chidamoyo hamaba yakada makwati.” Zvinoreva kuti munhu anoita zvaanoda kana zvaanenge afunga haafanirwi kuzorwadziwa nazvo nekuti ndizvo zvaanga achida.

“Chitiyo kupinda muzai huona mai” itsumo yakafanana neinoti “Mbudzi kudya mufenje hufana nyina” kana kuti “Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu.” Uku kuti kazhinji vana vanotevedzera tsika dzevakuru vavo kana zvose zvavanoita pane wavo wavanotevedzera. Havana kungozvifunga vega kwete.

“Chaitemura chava kuseva” itsumo inoenderana neinoti, “Aiva mazambuko ava madziva.” Cherechedzai kuti handina kuti aiva madziva ava mazambuko nekuti zvinoreva zvakasiyana. Idzi tsumo mbiri dzinoreva kuti aishaya uya kana kuti aiita zvekutamburira ava kuwanawo.

“Kugona mbavha huirongera” inoenderanawo neinoti, “Kurova imbwa rova wakabata nyama.” Zvinoreva kuti kana uchida kubata munhu ane mano ake mutsvagire chinomukwezva.

Share This:

Sponsored Links