tsumo nengano naMukanya

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:
Tipe tsumo inoenderana nekarungano kano:

Tsuro akanga achidarika mugwagwa achimhanya. Akabva aona Kamba achiedza kufambisa nesimba rake rese, uye achidikitira. Tsuro akati, “Kamba, uchatsikwa nemota uchiti kweya kweya. Unotadza here kungoita sesu anaMagen’a tinomhanya semuseve?” Asi achiri kutaura kudaro, Tsuro akarohwa nemota zvekuti akabva adimbuka gumbo. Kubva ipapo, Tsuro akange ofamba zvishoma nezvishoma zvekuti kana Kamba aitomusiya.

Tsumo yacho: Seka urema wafa. Tsumo iyi inoreva kuti: Usafarira kutambudzika kana kuseka mumwe munhu nekuti unogonawo kusangana nezvinokutadzisa kuita zvaunoda.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo kana dimikira rinoenderana nekarungano kano:

Tsuro naGudo vakanga vaomerwa nehupenyu, saka vakanoba pamba yemupfumi. Gudo akasara achitarisa kuti hakuna vanhu vari kuuya here. Tsuro akapinda mukati akawana Tsoko achibawo. Tsuro akawirirana na- 0Tsoko kuti vabude nemumwe musiwo vachisiya Gudo. Pavakatiza, Tsoko akazoburitsira Tsuro pfuti akamutorera zvose zvavakanga vaba. Tsuro akarasisa hama yake Gudo akavimba naTsoko uyo akazomupindukira.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links