tsumo nengano namukanya

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Mhinduro yesvondo rapera:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano aka:

Mushure mekushaikwa kwemwana waMhembwe, zvakazobuda pachena kuti akanga abatwa akadyiwa nemuvakidzani wavo ainzi Gava. Hapana aive ambofungira kuti Gava angadaro nekuti ndiye aive mukuru weneighbourhood watch uye ainge akanyorovera zvikuru.

Tsumo yacho: Imbwa nyoro ndidzo tsengi

dzamatoo

Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatoo zvinoreva kuti munhu wamusingafungire ndiye anoshereketa kana kuita zvinokushamisai. Kana zvichinzi imbwa nyoro, kureva imbwa yakapfava, isingapenge uye inofarirwa nevazhinji. Matoo, makanda emombe kana imwe mhuka aishandiswa mabasa akasiyana-siyana, asi kunyanya senhumbi yekuwarira pasi kuti vanhu vagare kana kurara. Imbwa dzaisatarisirwa kuti dzidye matehwe aya sezvo aive nebasa.

* * *

Svondo rino:

Tipe tsumo inoenderana nekarungano kano:

Tsuro akanga achidarika mugwagwa achimhanya. Akabva aona Kamba achiedza kufambisa nesimba rake rese, uye achidikitira. Tsuro akati, “Kamba, uchatsikwa nemota uchiti kweya kweya. Unotadza here kungoita sesu anaMagen’a tinomhanya semuseve?” Asi achiri kutaura kudaro, Tsuro akarohwa nemota zvekuti akabva adimbuka gumbo. Kubva ipapo, Tsuro akange ofamba zvishoma nezvishoma zvekuti kana Kamba aitomusiya.

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

lTumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links