Tsvagai nzvimbo nenguva: Dokora

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Tsvagai nzvimbo nenguva: Dokora

Kwayedza

dokoraShein Kanyumwa
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vabereki vatsvage nzvimbo dzevana dzechikoro dzakaita sedzeGrade 1 nguva ichiripo kwete kuzomhanya-mhanya nguva yapera.Muhurukuro neKwayedza, Cde Dokora vakati kazhinji vamwe vabereki vanovarairwa panyaya iyi uye vanofanira kutsvaga nzvimbo idzi pedyo nekwavanogara kuitira kuti zvizove nyore kuvana pakuenda nekudzoka kuchikoro.

“Vabereki vanofanirwa kugara vakagadzirira kuitira panovhurwa zvikoro vanenge vave kuziva pavamire nekuti dambudziko guru riripo nderekuti vamwe vanoda kuzoti pasara kana vhiki rimwe chete kuti vana vavhure zvikoro ndipo povotanga kuchimhanya-mhanya kutsvaga nzvimbo.

“Saka vabereki ngavatsvage nzvimbo idzi nguva ichiripo nekuti nzvimbo dzeGrade 1 idambudziko munyika muno,” vakadaro Cde Dokora.  Vanoti havakurudzire vabereki kuti vatsvagire vana vavo nzvimbo dzechikoro kure nekwavanogara. “Dzidzo iri muzvikoro yakafanana, saka musaendese mwana pachikoro nekuda kwembiri yezita racho nekuti idambudziko rinodzoka kwamuri zvekare nevarairidzi sezvo vanozotora nguva yavo zhinji vakamirira kuti muuye kuzotora vana kuchikoro,” vakadaro.

Muongororo yakaitwa neKwayedza, zvakaonekwa kuti vamwe vana vari kushaya nzvimbo dzeGrade 1 vari kuzopedzisira voendeswa kumakoreji anodhura uye mamwe acho ari kushanda zviri kunze kwemutemo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>