Uncategorized

Tsvarakadenga yoreurura zvivi . . .‘ndakakura ndichigara nenjuzu’ . . . ‘Ndichitorera varume upfumi’

31 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Tsvarakadenga yoreurura zvivi . . .‘ndakakura ndichigara nenjuzu’ . . .  ‘Ndichitorera varume upfumi’ CHARITY

Kwayedza

CHARITY

CHARITY

TSVARAKADENGA yemuHarare ine makore 29 okuberekwa yakabuda pachena svondo rino kuti yaishandiswa nemweya yetsvina ichigara pasi pemvura nenjuzu kwemakore 16 apo yaitumwa kunodanana nevarume ichivatorera mari nekuparadza upfumi hwemabhizimisi akasiyana.

Charity Makurumidze anoti akapinzwa mumabasa aya nevamwe tete vake avo aida zvikuru apo aiva achiri mudiki.
Anoti izvi akazviita asati atendeuka, uye akasiyana nemabasa akaipa aya, naizvozvo anoda kubuda pachena.

Charity, uyo asati aroorwa uye anoshanda pane imwe kambani huru iri muHarare, anobva kwaMakoni kwaRusape uye anoti akatanga izvi ari muGrade 7 kumusha apo akashanyira tete vekumuitisa izvi ava.

“Ndiri pazororo kumba kwavo, tete vakanditi ndinyatsogeza zvakanaka, ndopfeka mbatya dzakanaka vachiti taida kufamba rwendo. Ndakaita sekutaura kwavo tichibva tatanga rwendo rwedu zuva rodoka apo takanosvika mukati memakuva umo tete vakatanga kurira nendimi.

“Takadarika makuva nemukati memasango ndokunosvika kurwizi rukuru rwakangoita senyanza asi kwaiva padyo nekumusha kwaRusape urwo ndisina kuziva kana kumbobvira ndaona. Tete vakazotora rice raiva 2kgs iro ndisina kuona kuti vakaritorepi vachibva vadira murwizi,” akadaro.

Anoti panguva iyoyo pavaiva pakabva pauya mhepo huru yaiva nedutu ichibva yavatakura kuvapunzira mumvura.

Anoti vakangoerekana vave pasi pemvura apo paitova nemisha nezvose zvinodiwa pakurarama kwevanhu.

“Iyi ndiyo inonzi Under World; tasvika ikoko kwaingova nenjuzu nemadzimai nevanhu vairatidza kuita varungu neainzi King naQueen. Tete vangu vakandisvitsa kuvanhu ava vaiva vakawanda zvikuru ndokuendeswa pamberi paKing naQueen vachiti ndakanga ndauya kuzoshanda navo.”

Charity anoti akabva aiswa muimba yake oga yaiva nemipanda minomwe nezvose mukati ndokupihwa motokari yerudzi rweToyota Harrier iyo aifamba nayo ikoko.

Akaenderera mberi achitsanangudza nyaya yake iyo inonetsa kubvuma ndokuti: “Ndiri mumba imomo ndakaiswa chidhindo kumusana chesimbi, chestar chaishanda senzira yekudyidzana neni kwese kwandaizoenda kana vachindida sechiovha-ovha. Chidhindo ichi ndicho chaikonzera kuti murume wese aindiona aibva anzwa kuda nezvangu, hapana aipunyuka kana ndamuda.”

Kunyika yepasi pemvura iyi anoti vanoda vasikana vatsvuku chete avo vanozoshandiswa kudanana nevarume vachivatorera mari nehumwe upfumi.  “Pasi pemvura apa, ndaipihwa basa rekuita, rekuenda kuvarume ndichinodanana navo asi ndisingarare navo. Ikoko taidya sadza, mupunga, nyama nezvimwe zvose izvo zvinodyiwa nevamwe vanhu asi ukaramba kutumwa wairangwa nekudyiswa honye nemadhaka,” akadaro.

Anoti paakasvika pasi pemvura akapihwa huchi, powder nemafuta ekuzora izvo akanzi asanganise ogeza semishonga yekuti azotanga basa rake zvakanaka.

“Ndakazopihwa mbatya dzinopenya nechuma chekuisa muhuro, mumawoko nemuchiuno. Basa rangu ndainomira pamarobhotsi ndichimirira varume vanodarika nemota avo vaiti vakangosanganidzana nemaziso angu hakuna aigona kundiramba, aibva angomira ndopinda mumota make todanana. Asi mhiko yangu ndeyekuti ndaifanirwa kuti wandasangana naye atondipa mari, kunyange yekutenga mvura chaiyo,” akadaro.

Anoti aiziva kuburikidza neshavi raiva paari kuti murume waanoda ane mari saka apo aingopihwa mari bedzi, aibva atora upfumi hwese achisiya waadanana naye uya rava rombe.

“Kune varume vaye vakaomera, ndaivashandisira mishonga yedu yekuti ndaingomuguma, ndikangodaro aibva apera simba ndomutorera mari kana iye oga kutondipa. Vamwe ndaitoita vekurwisa pasina aizviona nekuti ndaiva nesimba rakaomarara,” akadaro.

“Mari yandaipihwa nevarume ava ndaisungirira mujira regreen iro ndakapihwa naQueen vemumvura uye ndaizonoipa kuvakuru vangu ava ndadzokera mumvura ‘every Friday’ uko yainogarwa nayo asi zvayaishandiswa ndaisaziva. Ndaitiwo ndikapinda muzvitoro kana mumabhengi ndaitora mari nezvimwe zvinhu zvandaida pamadiro izvo ndaidzokera nazvo kumuzinda wedu.”

Zvinhu zvose zvaaitora, kungava kuvarume kana mumakambani, anoti aisvikozvisiya kunyika iri pasi pemvura apo vaizoita mabiko makuru vachidya nekunwa.  “Ikoko tainge takawanda zvikuru, vasikana vanoita basa iri vamwe vacho nanhasi uno ndinotovaona mumigwagwa umu, asi hatibvumirwe kutaura tose. Vamwe vachiriko avo ndinototya ndikavaona. Taitaura mutauro wandisingagone kutaura izvozvi asi kungosvikako mainzwanana mose, kusanganisa nenjuzu,” akadaro Charity.

“Ndaibva kumba musi weChishanu ndichizodzoka neSvondo, ‘every week’. Kumba ndaisiya mumvuri apo vabereki vangu vaitoona ini, mumvuri iwoyo vaitoutuma mabasa vachitotaura nawo. Upenyu hwepasi pemvura uhu kunotovawo nedenga nevanhu asi vose vanenge vari njuzu nesu tinenge tichishandiswa.

“Kunodiwa vasikana vakanaka zvikuru, vatsvuku saka muchiona imi kuti kunaka kwakanyanya kuye hakudiwe.”

Charity anoti akadanana nevarume vanodarika 100 avo aitorera mari dzavo panguva yose iyi asi asingarare navo.

Tete vake vakamuendesa kunyika yepasi iyi anoti vaiva neupfumi hwakawandisa, kusanganisira mabhazi, mapurazi matatu, makombi, motokari diki nhatu nezvimwe zvakawanda izvo anoti zvakazoparara zvose apo iye akazofunga zvekusiyana nekuita uku ava kutendeuka kuchechi.

“Ini handina chandaiva nacho, ndaingoshandiswa. Izvozvi vemhuri yangu natete ava vanonditi muroyi nekuparara kweupfumi hwavo. Vabereki vangu nyaya iyi havaizive kubva pekutanga,” akadaro Charity.

Anoti paakazotiza mabasa aya akabva apihwa chirango chekuramba achitevera kubva mugore ra2009 mumwedzi waGumiguru.

“Ndakamboenda kuti ndinoshandirwa kumasowe uko mumwe muporofita wechidzimai akaona shavi rangu renjuzu akati ndiro ravaida kuchechi kwavo akazondituma zvakare kumbodzokera pasi pemvura uko ndainomutorera masimba ekuti asimbe mubasa rake. Ndakanga ndava kushandisa zvakare machira ayo ndakapihwa naQueen naKing vepasi pemvura.”

Anoti panguva yaaitevera kasingapere iyi akanga anzi ashandise US$200 yemapepa kuvhara ropa iri, izvo aiita mari yacho achizoidzosera kumuzinda wavo wepasi pemvura.

Anoti nekuda kwedambudziko rokutevera kasingagume iri, akaedza kutsvaga rubatsiro kwakawanda asi zvakakona. Akati ane magwaro ekumachiremba echiRungu ayo akambonotsvaga rubatsiro.

“Ndaona zvanetsa ndakazoenda kwaProphet gore rino uko ndakatanga kubatsirwa ndakataurirwa kuti ndakaturikwa zimweya renjuzu zvaiita kuti varume vasandide. Ndakazotanga kushandirwa kusvika mumwedzi waJune apo ndakabatsirwa mweya uyu ukabviswa, kubuda ropa kukamira.”

Chimwe chishamiso chakaitika kwaari anoti akatora mapasipoti maviri ayo akashaikwa kumahofisi aRegistrar-General asi aisvikowana ava kunyika yavo yepasi pemvura.

“Izvi zvaiitwa zvichinzi ndaida kutiza kuenda kumwe kunhu uyewo ndaiti ndikada kutora chitambi chekutyaira ndaitanga kuita bofu,” akadaro.

Charity anoti ari kubatsirwa padambudziko rake kuchechi yeProphetic Healing Deliverance Ministries (PHD) iyo inotungamirirwa naProphet Walter Magaya. Anoti akadzikinurwa gore mushure mekuita nguva refu ari mumabasa akaipa aya. Zvichakadai, Charity akanotaura nyaya yake panhepfenyuro yedu yeStar FM nemusi weChipiri manheru.

“Achipindura mibvunzo ipapo, musikana uyu akati: “NaMwari vandaakuziva, vandakadzidziswa, muchato uri munzira.

“Every Friday ndaitoti ndiri kuenda kuChitungwiza, every Friday. Kana kubvunza kubasa kwangu vanozviziva kuti ndaivati ndiri kuenda kuChitungwiza uko taimbonopinda mune mamwe madziva ndozodzoka Sunday”
Akataura akamirira chechi yePHD, Talent Mango (25), akati Charity vanomuziva uye vari kumubatsira mudambudziko rake.

Share This:

Sponsored Links