Uncategorized

tsvimbo inotora ‘cash’ mu’bank’

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
tsvimbo inotora  ‘cash’ mu’bank’

Kwayedza

. . . muti weraki uchiita kadhori

Kingstone Mapupu —
APO veruzhinji muZimbabwe vari kutambura kuwana mari, pane murume wekwaDotito, kuMt Darwin, anoti iye nababa vake havana nhamo yekuwana “cash” — vane tsvimbo yavanoshandisa kutora kana kuti kuba mari mumabhanga, mu- zvitoro nemuvanhu pasina anozviona.

Tsvimbo iyi vanoishandisa kutora mari pamadiro, vamwe vanhu vachizongoona homwe kana zvikwama zvavo zvisisina mari kana kutodzingwa mabasa vachinzi vakaba asi ivo vasina. Kuti nyaya iyi izobuda pachena, varidzi vetsvimbo yekuromba iyi vasangana nemashura — tsvimbo yemashiripiti yava nemazuva isiri kuonekwa kuti iripi mushure mekunge yangotsakatika.

Sezvinonzi izvi zvishoma, kamudzi kemuti kaigara muhomwe kana muchikwama chemurume akaromba nababa vake uyu kakangosanduka kakaita kadhori, ako kava kumuudza zvose zvekuita — zvaanoda nezvaasingade. Sekutaura kwake, ndiko kava kumutonga.

Tsvimbo iyi, iyo inonzi yaiva yemurume ava mushakabvu nemwanakomana wake, yakangoshaikwa apo yange yave nemumwe wemumhuri iyi uyo aive aipihwa senhaka mushure mekufa kwemuridzi wayo.

Inonzi yaiva yanotorwa kun’anga yekuMt Selinda, kuChipinge nemushakabvu Kudada Chaumana wemubhuku raMauswa aine mwanakomana wake.

Kudada Chaumana anonzi akanotora tsvimbo iyi nemimwe mishonga achitsvaga kupfuma.

Wilbert Gaisoni (34)

Wilbert Gaisoni (34) —uyo anove mwanakomana wemushakabvu uye aifamba nababa vake pakunoromba — anoti vakaenda kuChipinge vakanopihwa mishonga inosanganisira chikwambo chikuru chainzi Zivazvitsva icho chaiunza mari yakawanda chichibatsirana netsvimbo iyi.

Pakashaika Kudada Chaumana, tsvimbo inoba mari iyi inonzi yakazopihwa kumunin’ina wake, VaGovern Chaumana (75) senhaka.

Zvisinei, tsvimbo iyi inonzi yakazoerekana yashaikwa mumba mayaichengeterwa.

“Ini ndini sarapavana mumhuri yemukoma wangu Kudada uye ndini ndakapihwa tsvimbo iyi nemimwewo midziyo yakasiiwa nemufi. Zvadaro, tsvimbo iyi ndakaichengeta muimba yangu yekurara asi ndakazongoishaya — yakanditiza gore rino mumba musina kana kupwanywa. Kureva here kuti yakadzokera yoga kwayakabva, hamheno?” vanodaro VaGovern Chaumana.

Vanoti kubva pavakaipihwa pakashaika mukoma wavo mugore ra2006, havana kumbobvira vanyatsoishandisa kutsvaga mari semhiko dzayakatorerwa.

“Inini haina kumbobvira yakandipa mari, dzimwe nguva ndokusaka yakatiza. Wilbert aifamba nababa vake ndiye anoziva mhiko dzacho, izvo vasina kunditaurira.

“Ini haina chayakambondipa pamabasa ekushava,” vanodaro VaGovern Chaumana.

GOVERN CHAUMANA

Vanoti kwavakazofamba vakanzi yaisava tsvimbo asi kuti mishonga yaishandiswa kutsvaga mari.

Achibvunzwa nezvetsvimbo yemapipipi iyi, Wilbert anoti isati yatsakatika, “yaiita sezvatakaitsvagira” — kutora mari mumabhanga, muzvitoro nemuvanhuwo zvavo.

Anoti pakuishandisa, vangonomira nayo muchitoro, mumagaraji anotengesa mafuta emotokari, kupinda mumabhazi, mumabhanga nemunzvimbo dzinowanikwa mari umo vanozobuda nayo “yazvimbirwa nemari”.

“Tsvimbo iyi takaitora nemimwe mishonga kun’anga yechidzimai yekuMt Selinda, kuChipinge inonzi Mbuya Zuruvi. Kana zvakanaka, taiita nzendo dzekunotora mari netsvimbo iyi makare muno muMt Darwin sepamagaraji emafuta paDotito, muzvitoro zvizhinji zvemuno muMt Darwin, Bindura, Glendale nekuHarare.

“Tinotsvaga zvitoro zvikuru naiwo magaraji nemumabhazi nemuzvitoro zvinotengesa kudya umo tinongosvikogara tichidya — iyo takaisendeka padivi kuti itange yaguta nemari. Tinozobudamo tsvimbo yedu yava kurema, tobva taziva kuti yaguta.

“Baba vachiri vapenyu, dzimwe nguva yaivataurira uko yaida kuti tiende nayo muno muZimbabwe, zvikuru kumigodhi yegoridhe kwayaiziva kuti kwaiva nemari zhinji isu tichingotevedzera.

“Vamwe vanhu vanonzi vaba mari muzvitoro, mumabhanga kana kumabhazi haisi mhosva yavo, vanenge vasina kuba asi yatorwa nemishonga setsvimbo yedu iyoyi,” anodaro Wilbert pasina kana kakunyara.

Anoti payainge ichiripo, vaiziva kuti tsvimbo iyi yaguta nemari apo inopunzika kana kuwira pasi pasina aiguma kana kuti vainzwa bhegi ravanenge vakatakura rave kurema vobva vaziva kuti “zvaita, razara”.

“Mari iyi inopinda mubhegi rine mishonga, iro ndaisigara ndakatakura. Tsvimbo ikapunzika uye ndikanzwa bhegi rave kurema, ndinobva ndaziva kuti zvaitika.

“Ivo baba vaizviziva vobva vangoti hatichiendai, totonanga kumusha uko tainoita mabiko vanhu vachidya tichitamba nekuimba kambo kanonzi ‘Chigutiro tamba wakaguta’,” Wilbert anodaro.

Anotizve kazhinji kacho vaipinda netsvimbo iyi muzvitoro umo vonobvunza mitengo yezvinhu vachinongedzera zvinhu zvacho nayo, izvo zvaanoti zvaiita kuti iite shungu dzekukasika kutora mari uye zvaizovatorera nguva duku kuti vazadze bhegi ravo nemari — musvo.

“Yaitora mari pose patasvika, ingava yemuno kana yekunze — pamafaro kana parufu chaipo.

“Asi mari iyi haina zvinhu zvikuru zvayakaita pano kunze kwekuti taidya zvose zvatinoda, kutenga mbatya nekuendesa kuchikoro. Tose vana tiri 37 hapana asina kuenda kuchikoro,” anodaro Wilbert uyo muhurukuro ino aitoita seakagarwa.

Anotizve dzimwe nguva baba vake vaibatwa neshavi husiku vakaungana semhuri vachiuchira vachiti vanoda pfuma uye mangwana acho vaifuma mudzimba makazara mari yavaisaziva kuti yainge yabva kupi.

“Baba vaisvikirwa husiku, mweya waibuda pavari waiti waibva kugungwa uchiti waizounza mari yaibva kumvura. Sezvo baba vaiva nechipari chemadzimai mashanu, mudzimba dzose dzekubikira maiwanikwa muine mari iyo isu sevana taigoverwa, imwe yosara nanaamai vedu.”

Wilbert anoti kun’anga kwavakanotora tsvimbo inounza mari iyi kuri kudiwa mombe 13 dzekuti vaidzosere pamwe nemimwe mishonga yavakange vapihwa.

Anotiwo ane mushonga wemudzi, uyo akapihwa kun’anga iyi mushure mekushaika kwababa vake achida kutsvaga kupfuma. Zvisinei, mushonga uyu anoti wakazomupandukira ukaita chidhoma. “Baba vafa, ndakaenda ndoga kun’anga uko ndakanopihwa mudzi wandaigara nawo muchikwama. Mudzi uyu wakazopinduka kuita kachidhori kachibva katanga kutaura neni ndikavhunduka zvikuru.

“Kakanditi kanonzi Damasco kachiti ndiko kakanga kave kutungamirira mararamiro angu ose izvo ndakabvuma,” anodaro.

Kachidhori aka anoti kaikwana muhomwe kana muchikwama chake uye kanomuzivisa zvose zvaiitika mumusha mavo nemunharaunda — zvikuru kufa kwevanhu.

“Kanondiudza kuti nhingi ari kufa nhasi kana kuti svondo rinouya kuchauya nhamo yanhingi wekwakati izvo zvinoitika saizvozvo. Ndakatanga ndichitya asi ndave kuzvida nekuti ndinoziva zvakavanzika vamwe vasina zvavanoziva,” anodaro Wilbert.

Anoti vanhu vaakataurirwa mazuva avo ekufa vanosanganisira vemumhuri yake vanoti Blessing Gaisoni, Muchineni Gaisoni, Big Gaisoni Chaumana naOriginal Gaisoni nevamwe vatorwa.

“Kadhori aka kanondipa mazita evose vacharwara zvikuru — vanozopona nevanofa — uyewo nevanoda zvekuonererwa kanoti kano’dhila’ navo.

“Kane simba rekuuraya nekuremadza kana kakuvenga. Asi ini hangu zvinhu izvi handichazvida, ndinoda kuzvidzosera kun’anga iyi. Chavekunetsa ndechekuti n’anga yacho yave kuda pfuma yakawandisa.”

Kadhori kaWilbert anoti akazokashaya muchikwama make asi mazwi ako ari kungoramba achianzwa munzeve dzake kachimutaurira zvekuita uye kuti kava kuda muripo wako.

“Kadhori aka kakatiza muchikwama changu asi mazwi ako anouya munzeve dzangu nguva nenguva kachindiudza zvekuita. Zvakafanana nekuti kana ndichida kuenda rwendo, kanogona kuramba,” anodaro Wilbert.

Vobvunzwa pamusoro pemashura aya, vakafanobata chigaro chemukuru wesangano remachiremba echivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), Mai Joyce Nhambura, vanoti mhuri iyi inofanira kuenda kun’anga yakavapa mishonga yekupfuma kuti vanodzosera zvakarombwa.

“Mhuri iyi ingaende kupi nekupi, asi chokwadi chiripo zvinoratidza kuti havana kunge vabhadharana zvakanaka nen’anga yavo. Kana mabatsirwa nen’anga, bhadharai zvamanzi mubvise kwete kuita chitsotsi,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naVaJonathan Shonhiwa vekuChiredzi vachiti mhuri iyi inofanira kuita zviri kudiwa nen’anga yakapa mishonga yekupfuma.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey