Uncategorized

Tundazi: Gomo rinodiwa nemaporofita nen’anga

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Tundazi: Gomo rinodiwa nemaporofita nen’anga

Kwayedza

Gomo reTundazi

Gomo reTundazi

Gomo reTundazi, iro riri pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeSiabuwa, rinonzi rinoshanyirwa nemaporofita nen’anga dzinobva kumatunhu akasiyana ari muZimbabwe nekunze kwenyika vachinotsvaga kuzvisimbisa mumabasa avo ekurapa nekuporofita.MAPOROFITA nen’anga vanonzi vari kumhanyidzana kuenda kunotsvaga masimba kune rimwe gomo riri kudunhu raMambo Siabuwa, kuBinga, mudunhu reMatebeleland North.

Mambo Siabuwa, VaRobertson Sibanda (50), vanotsinhira nyaya iyi vachiti kune vakawanda vanoenda kwavari vabva kure vachida kupihwa mvumo yekunopinda mumapako ari mugomo iri.

“Gomo iri ndiro rakareba kudarika mamwe makomo muno, rine mapako akawanda, ndiro rinopa vanhu gwara rekwavanoda kuenda vachibva muGokwe neBinga kunosvikira kuZambia nekuna Zambezi, zvikuru vanoredza hove. Rinonzi rinopa simba izvo zvinoonekwa nevanhu vanouya vachitsvaga masimba imomo,” vanodaro.

“Mugomo iri munonzi maigara hangaiwa dzaishandiswa nevachena dzichivaratidza gwara rekwavaida kuenda nekubhururuka kwadzo. Munonzi zvakare ndimo mairasirwa vanhu ny’any’a idzo dzaikanganisira vamwe munharaunda vaisvikovharirwa mumapako aya vofiramo, kana kuti vaizotengeswa kune vaida vanhu vekunoshandisa kunyika dzavo, slavery”, vanodaro.

Mambo Siabuwa vanoti n’anga nemaporofita vanoenda kwavari vachida mvumo yekukwira gomo iri vovapa vanhu vanovaperekedza.

Mambo Siabuwa

Mambo Siabuwa

“Vakauya pano, ini ndinovapa vanhu vanovaperekedza kugomo iri vonopinda mumapako acho umo vamwe vanopedza mwedzi varimo vachitsvaga masimba. Ndinonzwa kuti vamwe vanobva mugomo iri vave maporofita ane mbiri kana n’anga huru,” vanodaro.

Mambo ava vanoti zvakare ivo havana kumbobvira vakapinda mumapako aya kuti vanoona zvinoitwamo.

“Kune vamwe vanotouya nemotokari nechikafu chekudya vanosvikogara panzvimbo iyi nguva yavanenge vatarirwa nemweya vachizodzokera.”

VaKurwakumire Mushore (46) vekumakomo eNharira ari kuNorton, vanoti kune mapositori anowanikwa achida kupinda muninga dzeNharira uko kwaigara Sekuru Mushore, vachida kunotsvaga masimba ekuporofita.

“Hatizive kuti masimba erudzii anotsvagwa mumapako nemapositori. Tinotovadzinga vachida kupinda mumapako eNharira. Itsika yavo vanhu ivava, muninga dzeNharira mune makuva emadzishe nemasvikiro,” vanodaro.

Gore rapera pamberi, kune mumwe muporofita wechechi yeJohane Masowe weChishanu akazosungwa kumakomo ekwaMutoko apo akazobatwa akwadabura guva remufi anonzi aiva mambo akavigwa mubako achiti aida kutsvaga simba kubva pamweya wemunhu uyu.

Muporofita uyu akatozotongwa akapihwa chirango chake nedare redzimhosva reMutoko Magistrates Court.

Share This:

Sponsored Links